Mvura yoparadza zvipfuyo, mhuka dzesango nezvirimwa kuGoromonzi

27 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Mvura yoparadza zvipfuyo, mhuka dzesango nezvirimwa kuGoromonzi

Kwayedza

neMunyori weKwayedza

Kunharaunda yeArcturus neGoromonzi kwakanaya mvuya yaityisa nemusi weChitatu kumanheru iyo yaiva nemhepo nechivhuramahwe chakakura uye chakawandisa ndokuparadza dzimba, nekuuraya mhuka dzesango setsuro nezvipfuyo.

Zvirimwa muminda zvinosanganisira madomasi, manwiwa nechibage nemuriwo zvakaparadzwawo kuita sezvatsikwa tsikwa uye miti yakasara yapururwa mashizha sezviri kuonekwa pamifananidzo iyi. Vamwe vanhu veko vanoti pakatanga chivhuramahwe ichi, vakaona sekunge hore yemvura yainge yaputika, “mazitombo” ndokutaka kuita kunaya. Vanoona nezvemamiriro ekunze vari kugaroyambira veruzhinji kuti kuchanaya mvura inenge iine hasha uye inoparadza naizvozvo kana yauya vanhu ngavagare mudzimba.

Share This:

Sponsored Links