Mvura younza hutsanana muzvikoro

22 Jan, 2023 - 13:01 0 Views
Mvura younza hutsanana muzvikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinotsigira vana reUNICEF, rakabatana neveGoal Zimbabwe, vakabatsira vana vepaMabvazuva Secondary School, kuEpworth, avo vari muchikwata cheHealth Club, nekuvawaniswa ruzivo maringe nenyaya dzeutano, hutsanana hwekugeza maoko uye kutsvindisa nharaunda kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzerwa nehuchapa.

Masangano aya akashanyira chikoro ichi nguva pfupi yadarika, ndokuzopfuurira kunoita chirongwa chimwe chete ichi paTafara High iri kuMabvuku, muguta reHarare.

Vachitenda rubatsiro urwu, mukuru weMabvazuva Secondary School, VaObert Tsoka, vanoti chikoro chavo icho chakavambwa muna2016 chaisangana nedambudziko remvura izvo zvaiita kuti iunzwe iri mumabhauza neEpworth Local Board.

“Mugore ra2022, sangano reFuture of Hope rakazoticherera chibhorani chiri kutibatsira nemvura. Tisati tava nechibhorani, vadzidzi vaive padambudziko guru sezvo vaifamba nzendo refu vachikumbira mvura mudzimba izvo zvainge zvisina kunaka.

“Mvura chinhu chakakosha pachikoro. Zvimbuzi tichiri kushandisa hedu zvemakomba (blair toilets), asi tine shuviro yekuti kudai tawanawo zvinoshandisa mvura kuti tifambirane nenguva munyaya dzeutano,” vanodaro VaTsoka.

Vanotenda veUKAIDS avo vari kutsigirana neUNICEF uye Goal Zimbabwe nekuparura kwavakaita nzvimbo yekugezera maoko pachikoro chavo vachishanda nechikwata cheHealth Club.

“Tinofara nezvirongwa zveWater, Sanitation and Hygiene (WASH), ndivo vakafunga zano iri. Nzvimbo yekugezera maoko (hand washing point) vakaiisa nechekugedhe rechikoro saka mwana wose anopinda pachikoro, kusanganisira vayenzi, vanototanga vageza maoko. Zvinobatsira kuti vasapinda nehutachiona hunokonzera zvirwere pachikoro sezvo iri nzvimbo inounganwa.

“Senguva ino yekunaya kwemvura, ndipo panonyanya kunetsa zvirwere zvemanyoka secholera, typhoid kana dysentery. Kunyangwe icho chirwere cheCovid-19, chinorwiswa nehutsanana saka kugeza maoko kwakakosha,” vanodaro.

VaTsoka vanoti chibhorani chavo chinoshandisa magetsi anobva musimba rezuva izvo zvinoita kuti vagare vaine mvura.

VaYves Willemot, avo vanova chief of communications kuUNICEF, vakawana mukana wekukurukura nevadzidzi vachivafundisa kukosha kweutsanana.

“Tiri kushanda pamwe nebazi rezvedzidzo yepuraimari nesekondari, United Kingdom neGlobal Paternership for Education and Education Cannot Wait kuti vana vose vari munyika vawane dzidzo yakanaka pasina zvibingaidzo zveutano zvinokonzerwa nekushaikwa kwemvura kana kusviba kwenharaunda. Ichi ndicho chikonzero takaumba mapoka emaSchool Health Club kuti nyaya dzeutano dzitekeshere muzvikoro nemunharaunda. Hakuna mwana anofanira kufa nekuda kwezvirwere zvinodziviririka,” vanodaro.

VaEnerst Mudavanhu, vanova water, sanitation and hygiene officer kuGoal Zimbabwe, vanoti vanofara kushanda nezvikoro.

“Takaona kuti muzvikoro zvizhinji mumaguta nekumaruwa vana vaingogezera mumigomo, vamwe vaisageza maoko zvachose mushure mekushanyira zvimbuzi tikaona zvakakodzera kuti tiuye nezano iri. Vana vechikoro vanosvika gumi vanokwanisa kugeza panguva imwe chete apo mvura inenge ichibuda nepatwumaburi turi pamapombi. Pane zvekare panogezerwa nevadzidzi vakaremara vari mumawiricheya nenzira iri nyore,” vanodaro.

Imwe nhengo yeMabvazuva Health Club, Tafadzwa Chigwanha, anoti vakatsigirwa zvekare nesipo, sanitizer nezvimwe nesangano reUNICEF kuti vachengetedze utano.

“Tinotenda dzidziso yatiri kuwaniswa yehutsanana nekuti iripo kuchengetedza upenyu. Hatichanwi mvura yakasviba kana kukomberedzwa nemarara,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links