Mwaka hauna kunaka: ZFU

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Mwaka hauna kunaka: ZFU Sangano reZFU rinoti mamiriro ezvirimwa kumatunhu akasiyana enyika haana kunaka sezvo zvimwe zvave kusvika pakuoma nekuda kwekusanaya kwemvura.

Kwayedza

Elita Chikwati

CHERO zvazvo mvura yakanaya kune dzimwe nzvimbo dzemunyika, varimi vazhinji havasi kugutsikana sezvo zvirimwa zvavo zvisati zvanyatsobuda.

Zvirimwa zvizhinji zvange zvisati zvamera sezvo kwange kwakaoma kusina kunaya mvura uye zvimwe zvange zvave kumera zvakaoma zvakare.

Pamusoro pezvo, vamwe varimi havasati vatomborima kana kudyara.

Pane tarisiro yekuti mvura ichatanga kunaya zvakare musvondo rechipiri munaNdira panguva iyo zvimwe zvirimwa zvinenge zvatooma.

Mutungamiri wesangano reZimbabwe Farmers Union, VaAbdul Nyathi, vanoti mamiriro akaita zvirimwa kunzvimbo dzakasiyana dzenyika haana kunaka.

“Mamiriro ezvirimwa kune nzvimbo dzakasiyana haana kunaka. Kune varimi vakatodyara zvirimwa zvavo, kumera kwazvo kwange kuchinonoka nekuda kwezuva range richipisa. Vamwe varimi vave kutoita zvekudiridza asi izvi zviri kukanganiswa nekuda kwekudzimwa-dzimwa kuri kuitwa magetsi. Mwaka uno hausi kutaridzika zvakanaka. Zvekurimisa zvakapihwa varimi pasi pechirongwa cheCommand Agriculture nePresidential Inputs Scheme zvakauya nenguva uye vamwe varimi vakatodyara kare. Asi dambudziko kupisa kwekunze uye nekusanaya kuri kuita mvura.

“Varimi vakanyatsokanganisika ndevekumaruwa neveA1 avo vanonyanyotarira kunaya kwemvura sezvo vasina michina yekudiridzisa,” vanodaro.

VaNyathi vanoti zvipfuyo zviri kune mamwe mapurovhinzi zvakanaka chaizvo asi kune zvimwe zvakare zviri kusangana nedambudziko rekushomeka kwemafuro.

“Kunzvimbo dziri kuchamhembe kwenyika kwakanaya hako asi mvura yacho yange isina kunyatsokwana zvekuti nzizi hadzina kuzara uye madhamu haana mvura. Mafuro ange ave kurakidza kuda kuita asi nekushaikwa kwemvura yakakwana haana kunyatsoita zvakanaka,” vanodaro VaNyathi.

Vanoti varimi vefodya vari kusangana nematambudziko mukudiridza chirimwa ichi nekuda kwekudzimwa-dzimwa kuri kuitwa magetsi.

“Vamwe vave kutoshandisa magenerator asi vari kuchema-chema kuti mafuta edhiziri haasi kuwanika nyore. Fodya iri kudiridzirwa mamiriro ayo ari nani kana zvichienzaniswa neisiri kuwana madiridziro,” vanodaro.

Vanoti ZFU iri kuita hurukuro nevatungamiri vakasiyana kuti pave nekugadziriswa kwenyaya yekudzimwa-dzimwa kwemagetsi kunzvimbo dzinorimwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>