Mwaka wakasunama: Shiri

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Mwaka wakasunama: Shiri Dr Josphat Nyika

Kwayedza

Farai Machivenyika naColumbus Mabika
HURUMENDE iri kutora matanho ekurwisana nedambudziko renzara ingangotarisana nenyika zvichitevera yambiro yanamazvikokota vanoona nezvemamiriro ekunze yekuti mwaka wa2018 -2019 mvura inogona kusanaya zvakaringana kunzvimbo zhinji dzenyika.Mashoko aya akaziviswa negurukota rebazi rezveminda, kurima nemamiriro ekunze Retired Air Chief Marshal Perrance Shiri vachiti mamiriro ezvinhu aya adzosera kumashure zvikuru mabasa ekurima munyika.

Vanoti vanokurudzira varimi kuti vadyare mbesa diki dzinokasika kuibva.

“Mwaka wemvura yekunaya wa2018-2019 wakanonoka kutanga, apo mvura yakanyatsotanga kunaya mukupera kwaMbudzi. Kusvika parizvino, mvura haizi kunaya zvakanaka, kunyanya kunzvimbo dzekuchamhembe kwenyika,” vanodaro.

Vanoti kubvira paturuka mvura, yakawanda yakanaya munzvimbo dzinosanganisira Harare, Mashonaland Central, Mashonaland East  nedzimwe dziri kuMashonaland West neManicaland.

“Mapurovhinzi ari kuchamhembe akadai seMasvingo, Midlands, Matabeleland North neMatabeleland South ndiwo akanyanya kukanganisika nekuwana mvura shoma zvikuru,” vanodaro.

Rtd Air Chief Marshal Shiri vanoti kubvira mumwedzi waGumiguru gore rapera, mvura yanaya ishoma kana zvichienzaniswa neinotarisirwa kunge ichinaya mwaka yose.

Vanoti zvakakosha kuti varimi varime mbesa dzinokasika kuibva.

“Tiri kukurudzira zvakare varimi kuti varimewo dzimwe mbesa diki dzinokasika kuibva dzakadai sebhinzi, nyimo, cow-peas, nzungu nembambaira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links