‘Mwaka yasanduka, rimai mbesa diki’

13 Apr, 2022 - 16:04 0 Views
‘Mwaka yasanduka, rimai mbesa diki’ Mambo Goronga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAMBO Goronga vekuNyamapanda kuMudzi, kudunhu reMashonaland East vari kukurudzira varimi kuti vafambirane nenguva kuburikidza nekurima zvirimwa zvidiki izvo zvinokasika kuibva zvichitevera kusanduka kuri kuita mamiriro ekunze.

VaBoyi Nyamande (52) vanova Mambo Goronga vanoti sedunhu ravo rinogara riine nzara nekutsva kunoita zvirimwa makore akawanda zvavanoti zvinokanganisa budiriro munzvimbo yavo.

“Tiri kushanda nenyanzvi dzezvekurima nevemamiriro ekunze nemamwe masangano, donzvo riri rekukurudzira varimi kuti vasandure marimiro avo vopindawo mukurima mbesa diki dzinosanganisira mhunga, maringazuva, mapfunde, nzungu, nyimo, mufarinya, tsenza nezvimwe senzira yekudzinga nzara mudunhu iri,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti varimi vazhinji vanofarira kurima chibage sezvo vachiwana hupfu hwesadza nezvimwe.

“Bazi rezvekurima nemamwe masangano ekurima emuno neekunze tiri kushanda navo nechinangwa chekuedza kupedza nzara mudunhu redu. Murimi woga-woga pachikamu cheminda yake ari kukurudzirwa kurima mbesa dzinoshingirira muzuva semapfunde, mhunga, nyimo, nzungu kana  mufarinya,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanoti varimi kana vakakavawanisa minda yavo vachidyara mbesa dzakasiyana, vanowana zvimwe zvinoibva nzara yobuda mudzimba.

“Tinorarama nekurima nemvura yekunaya sezvo madhamu edu ari mashoma mudunhu redu. Tinongova nedhamu reNyamapanda, Dendera nemamwe madiki mashoma. Madiridziro edu mashoma zvakare ayo anobatsira mukuwanisa vagari vemuno zvirimwa zvakadai semuriwo nezvimwe zvinotengeswa muno uye kunyangwe kuMozambique,” vanodaro Mambo Goronga.

Vanorumbidza Hurumende nekucheresa zvibhorani zvitsva pamwe nekuvandudza zvitsaru izvo zvinoenderana nechirongwa chekusimudzira budiriro mumatunhu cheDevolution.

“Zvibhorani tinazvo, pane zvimwe zvaiva zvakafa izvo Hurumende iri kugadzirisa uyewo nekucheresa zvitsva.”

Mambo Goronga vanoti dunhu ravo sezvo riri kumuganhu nenyika yeMozambique zvinoita kuti pave nekutengeserana nyore uye kudyidzana kwevarimi pakati penyika mbiri idzi.

Mambo Goronga vanoti kurimwa kwemufarinya mudunhu ravo kuri kukurudzirwa zvikuru sezvo chirimwa ichi chichifarirwa zvakanyanya kuMozambique.

“Kufambidzana kwevarimi vemudunhu redu raMambo Goronga nevekudunhu raMambo Magaso vekuMozambique hakunetsi sezvo hushe hwedu huchingova humwe chete, tiri hama nehama. Pakushanyirana uku, mbesa dzinorimwa kuMozambique dziri kuuyawo kuno uye dzekuno dzichienda kumhiri zvakare.

“Zvirongwa zvekupfuya mombe, nguruve, mbudzi nehuku zviri kusimukirawo nekuda kwekudyidzana kweruzivo pakati pevarimi venyika mbiri idzi,” vanodaro.

Zvisinei, vanoti zvipfuyo zvavo zvakaita semombe zvinombowirwa nenjodzi yekuputikirwa nezvimbambaira kumuganhu wenyika ino neMozambique.

“Mombe dzedu dzinoputikirwa nezvimbambaira kumuganhu wenyika yedu neMozambique, zvikuru tichitevedza mugwagwa weBhinya unobva kuNyamapanda kuenda kwaFombe kuNyanga nekumwewo kureva kuti varimi vanorasikirwa toshaya chekurimisa,” vanodaro Mambo Goronga.

Share This:

Sponsored Links