Mwana (1) adamburwa huro nemurwere wepfungwa

03 Sep, 2024 - 16:09 0 Views
Mwana (1) adamburwa huro nemurwere wepfungwa Insp Mahoko

Tandayi Motsi

MWANA ane gore rimwe chete nechidimbu rekuberekwa anonzi auraiwa mushure mekuchekwa zvakaipisisa pahuro nemurwere wepfungwa mubhuku raMagazo, kwaMambo Sai, kuGokwe.

Izvi zvakaitika nemusi weSvondo wadarika.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti Thandiwe Bheura (41) wemumusha waMagazo aibika chikafu muimba yekubikira aine mwana wake, Brilliant Mhike, uyo ane gore nechidimbu rekuzvarwa.

Musungwa Rutendo Shayanewako (25), anove muramu waBheura uye anofungidzirwa kuti anorwara nepfungwa, akapinda muimba yekubikira iyi.

Insp Mahoko vanoti Bheura akapa Shayanewako chikafu ndokuenderera mberi nekupa vamwe vemhuri iyi vaive vagere panze.

“Achizodzoka mumba, Bheura akawana Shayanewako achicheka Brilliant pahuro nebanga remukicheni. Akabva amhanya ndokunomudzivisa asi akanga atocheka pahuro yemwana uye ropa richibuda zvakanyanya. Mwana akabva angofa.

Nyaya iyi iri kuferefetwa uye ari kupomerwa mhosva iyi akabva asungwa.

“Tinokurudzira veruzhinji vane hama dzavo dzine dambudziko repfungwa kuti vadzichengetedze uye kuona kuti vari kutora mishonga yavo sekurairwa kwavanoitwa nevarapi kana mizinda inoona nezvevarwere vepfungwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey