Uncategorized

Mwana (10) akapondwa nevana vechikoro

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Mwana (10) akapondwa nevana vechikoro Exif_JPEG_420

Kwayedza

‘Vaitamba chikudo’ Vadzingirwa mari

CHIKWATA chevana 4 vepachikoro chepuraimari chiri kwaKasekete, kuMuzarabani, vari kupomerwa mhosva yekuponda mwana weGrade 3 nekumuita dititi kusvikira afa.Izvi zvinonzi zvakaitika apo vana ava vaibva kuchikoro vachidzokera kumba.

Mutumbi wemwana uyu wakazonhongwa mumugwagwa unobva kuMuzarabani growth point uchienda kuChiwenga uyo unodarika nekuKairezi, padyo neSengejira.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhira nezvekufa kwaTanaka Garidze (10).

“Tine nyaya inoshamisa, yemwana mukomana aidzidza Grade 3 pachikoro cheKairezi Central Primary, Tanaka Garidze, uyo anonzi akarohwa nevamwe vana vechikoro vana — vasikana vatatu nemukomana mumwe chete kusvikira apunzika ndokurovera nemusoro pasi achibva afa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mwana akashaika uyu aibva mubhuku raGonan’ombe uye akafa mangwanani emusi wa10 Chikunguru apo vana ava vainge vadzingwa kuchikoro nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadharirwa mari dzefizi.

Vana vanonzi vakarova Tanaka achizofa vanoti mukomana nemusikana veGrade 3 vemumba mumwe chete, musikana weGrade 2 nemwezve musikana weGrade 7.

“Nyaya iyi iri kuferefetwa, vana vechikoro vanofungidzirwa kuti vane chekuita nekufa kwemwana uyu vakatombotorwa nemapurisa vakabvunzurudzwa. Vari kubvuma zvavo kuti vakarova mumwe wavo,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Vanoti vana ava pavaienda kumba, Tanaka aiva nemumwe wake mukuru ane makore 12 okuberekwa, uyo anonzi akamufurira kuti arove mumwe musikana achinzi akanga avimbiswa chinyoreso, izvo akaita akakurira kamwe kasikana ndokupihwa chipo chakanga chavimbiswa.

“Zvadaro, zvinonzi mwana ane makore 12 uyu akamuti zvakare arove mumwe musikana izvo akatanga kuita. Izvi zvinonzi zvakazoita kuti vamwe vana vechikoro vatange kumurwisa vachimukutsirana ndokuzogumisira vamukuvadza apo akadonhera pasi nemusoro ndokufa,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mamwe mashoko anoti vana ava vakatanga kurwisana naTanaka apo vakanga vatora chigubhu chake chemvura icho vaiita sebhora zvakagumbura muchakabvu ndokukonzera bongozozo.

Zvichakadai, mutumbi wemwana uyu wakatovigwa mushure mekumboendeswa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uko wakaongororwa namachiremba zvikabudawo kuti aiva nedambudziko remwoyo.

“Tinokurudzira vadzidzisi nevabereki kuti vatsiure vana vavo kuti vasarwisane voparidza runyararo mukutamba kwavo. Hatitarisire zvakadai kuvana vechikoro, kunyanya tichitarisa zera ravo,” vanodaro Asst Insp Masikati.

Mukuru wezvedzidzo kudunhu reMashonaland Central (PED), VaLloyd Mudiwa, vanotsinhira nezvekufa kwemwana uyu.

“Mashoko akasvika kwandiri ndichiita zvekutaurirwa nemuromo anoti mwana uyu akarwiswa nevamwe vake akafa vachiita chikudo apo vaibva kuchikoro. Ndakamirira kuti ndiite zvekunyorerwa.

“Asi mamwe mashoko anoti mwana uyu aiva nedenda remwoyo izvo zvaizivikanwa nevabereki vake,” vanodaro VaMudiwa.

Vanoti nyaya yekuti vana ava vakazorwisana vadzingwa kuchikoro nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadharirwa mari yechikoro haana kusvika kwavari.

“Ndakamirira mashoko azere kubva kuna secretary wangu kuti tizive zvizere nezvenyaya iyi. Asi chokwadi mwana akafa akatovigwa, tine hurombo zvikuru,” vanodaro.

Baba vemwana uyu, VaLovemore Garidze naamai vake, Ziripa Machakaire (39) vakataurwa navo neKwayedza vakatsinhira nyaya inosuwisa iyi.

“Ichokwadi, mwana akauraiwa nevamwe vana vechikoro vachibva kuchikoro uko vaiva vadzingwa mangwanani nekuda kwekuti vakanga vasina kubhadharirwa mari. Takamuviga, isu nevabereki vevana vana ava takawirirana kuti vabhadhare mombe nembudzi pamubereki zvinoreva kuti pari kufanirwa kuripwa mombe nhatu nembudzi nhatu. Takawirirana kuti zvichaunzwa mushure memasvondo matatu,” vanodaro VaGaridze. Vanoti vabereki vevana ava vakambenge vaunza mbudzi nhatu pasina mombe nemusi weMuvhuro wadarika vakazvidzosera vachiti vanoda zvakakwana.

Mutumbi wemwana uyu wakavigwa usiri mubhokisi pamutemo wechechi yavo yeJohane Masowe eChishanu.

Madzisekuru emwana uyu vanosanganisira Timothy Machakaire (44) naEnious Machakaire (34) vanoti vanorwadziwa zvikuru nerufu rwake.

“Uyu muzukuru wedu anga ari gotwe rehanzvadzi yedu. Zvatirwadza zvikuru,” vanodaro VaTimothy Machakaire.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey