Kingstone Mapupu
MWANASIKANA ane makore 11 okuberekwa akanyura murwizi achituhwinha nemukoma wake apo vaibva kuchikoro kuShurugwi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mwana uyu aipinda chikoro paMusasa Primary School kunzvimbo iyi.
“Tine vana vechikoro vaviri vanoti wemakore gumi nerimwechete nemumwe wemakore gumi nemamatatu okuberekwa vanova mukoma nemunin’ina vaibva kuchikoro cheMusasa Primary nemusi wa21 Mbudzi. Vakazowirirana kumbotonhodza miviri yavo nekutuhwinha murwizi rwaMutevekwi uye pavaishambira kudaro wemakore 11 okuberekwa akabva anyura,” vanodaro Insp Mahoko. Mukoma wake panguva iyi akaedza kushevedzera achitsvaga rubatsiro uye achiedzawo kumununura izvo zvakashaya basa sezvo musikana uyu akanga atofa kare.
“Mutumbi wemwana uyu wakazonyururwa neruzhinji rwemumusha vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanopa yambiro huru kuruzhinji yekuti vana vadzidziswe kuti varege kutambira mumvura kana pedyo nemvura, kunyanya munguva ino yezhizha.
“Tine vanhu vakawanda vanofira mumvura, mungava mumadhamu nemunzizi kana mumatsime chaimo, iyambiro yedu kuti vanhu vasatambire munzizi, dzingava dzakazara kana dzisina. Vana ngavarege kuenda padyo nenzizi vari voga vasina vanhu vakuru,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti nguva dzose panotuhwinha vanhu, panofanirwa kuva paine nyanzvi dzezvekushambira kuitira kuzonunura vamwe kana voda kunyura mumvura.