Uncategorized

Mwana (12) azvisungirira pamasowe

21 Sep, 2021 - 16:09 0 Views
Mwana (12) azvisungirira pamasowe Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA mukomana ane makore 12 okuberekwa anonzi akafa nekuzvisungirira pasowe remumwe muporofita kuStappleford, kuMt Hampden nechikonzero chisina kuzivikanwa.

Izvi zvakaitika nemusi weSvondo wakadarika.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nezvekuzvisungirira kwaDarshel Singende uyo anga ari muGrade 5 pachimwe chikoro cheko.

Mwana uyu anonzi akazvisungirira pasowe raMadzibaba Tongai Kasakula avo vaivapo panguva yakaitika tsaona iyi.

“Mwana uyu aigara naambuya vake vanonzi Talent Sanisa (28) avo vakaenda naye kuchechi uko vakasvikotaurirwa kuti paisava nevamwe vanhu vainamata musi uyu, ivo ndokukumbira kuti vaida zvavo kumbonamata voga izvo vakatanga kuita pamwe chete nemukuru wesowe iri, Madzibaba Tongai Kasakula,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Zvinonzi Madzibaba Kasakula vakazobva pavainamatira ndokuenda mutsaka yavanozororera umo vakawana mutumbi wemwana uyu wakarembera pabango wakasungwa netambo yepurasitiki yakanga isina kana waya mukati.

“Tsaona iyi yakaitika nenguva dza9 mangwanani apo mwana uyu anonzi akabva painamatwa apa achinotamba oga. Bango rakabata chengo chetsaka iyi rinonzi rakareba mita nechidimbu pakawanikwa mutumbi uyu uri,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mwana uyu anonzi aigara naambuya vake ava apo aipota achienda kuzororo kuKuwadzana 5 muguta reHarare kunogara amai vake, Melody Manyanga (35).

Pakabuda kwenyaya ino, mutumbi wemwana uyu wanga usati wavigwa wakamirira kuongororwa kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals.

Asst Comm Nyathi vanoti semapurisa, vari kushushikana nekuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kuzvisungirira.

Svondo rapera, kune mwana mukomana zvakare aive nemakore 9 okuberekwa achigara kuEpworth uyo anonzi akafa mushure mekuzvisungurira mumba mevabereki vake apo akatsiurwa naamai vake.

“Inyaya dzatishungurudza senyika dzevana vari kuzvisungirira nekuzviuraya pasina zvikonzero chaizvo zvinobuda pachena. Zvinotishamisa kuti vana vakadai vanenge vanetswa nei kuti vasvike padanho rakadaro,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vapote vachitaura navo vachinzwa zvavanofunga muzvido zvavo. Tinotiwo vanhu ngavataure nevana mashoko ane rudo, zvikuru pakuvatsiura tichionawo kuti pfungwa dzevana vedu dzakagadzikana here.”

VaIgnicious Murambidzi, avo vanova director wesangano rinomirira varwere vepfungwa reZimbabwe National Association for Mental Health (ZIMNAMH) vanoti vari kushushikanawo nenyaya dzevanhu vari kufa nekuzviuraya izvo zvavanoti zvine chekuita neutano hwepfungwa.

“Tinoshushikana zvikuru sesangano nekuda kwekuzvisungirira kwevana nekuzviurayawo kwavo nedzimwe nzira dzakasiyana uyewo nevamwe vanhu vakuru vanozviuraya vari kuwanda. Zvose izvi zvinoitika nekuti pfungwa dzevanhu dzinenge dzisina kugadzikana, saka tiri kushanda nemapurisa nebazi rezveutano kuti vanhu vakurumidze kuongororwa pfungwa dzavo kana paine kusagadzikana mukurarama kwavo,” vanodaro VaMurambidzi.

Vanoti vana vanozivikanwa nekutya rufu nekudaro zvave kushamisa kuti zviri kumbofamba sei nekusanduka kwave kuita nyaya iyi.

“Hatizive dzimwe nguva zviri kukonzerwa nemafirimu ekurwisana nekuurayana ari kuonekwa nevana vedu. Ikurudziro yedu kuti kana vana nevamwe vanhu vakuru vatinogara navo vave kusandura magariro avo tinofanirwa kuti vaende kunoongororwa nenyanzvi dzezveutano hwepfungwa tisati tasvika parumananzombe kudai,” vanodaro VaMurambidzi.

Share This:

Sponsored Links