Mwana (13) abuda mukanwa megarwe

21 Nov, 2022 - 08:11 0 Views
Mwana (13) abuda mukanwa megarwe Garwe

Kwayedza

Freedom Mutanda

MWANA mukomana ane makore 13 okuberekwa wekuChecheche, kuChipinge akashinga kurwisana negarwe iro rainge ramubata achishandisa mawoko ake mushure mekunge ramubata murwizi Save aine shamwari dzake nguva pfupi yadarika.

Danmore Gwenzi akapunyuka rufu apo chikara ichi chakamubata chidya.

Akapinza ruwoko rwake mumuromo megarwe iri kudzimara ramuregedza.

Zvisinei, akarasikirwa nedzimwe nyama dzepachidya chake munjodzi iyi.

Paakanga achirwisana negarwe iri, shamwari dzake dzakamhanya dzichitiza apo dzaishevedzera kuti abatsirwe.

Vanhu vemunharaunda iyi vakamhanyira kurwizi uko vakanowana Danmore atova kumahombekombe kwerwizi.

Akamhanyiswa kuchipatara cheSt Peter’s chiri kuChisumbanje uko akanorapwa.

Vatori venhau vakashanyira Dannmore ari muchipatara naamai vake ndokuita hukururo naye.

“Takanga tichiyambuka rwizi Save neshamwari dzangu. Mvura yainge yakawanda zvekuti takafunga kuti hapana ngwena yaizotivandira ipapo. Patakanga tava kuda kusvika kumahombekombe kuyambuka rwizi, garwe rakangoerekana randibata.

“Rakandiruma nepachidya ndichibva ndaita zvivindi ndokupinza ruwoko mukanwa maro. Izvi zvakaita kuti ripere simba ndikakwanisa kubuda ndichienda panzvimbo yakachengetedzeka.

“Vamwe vemumusha vakazondinunuran ndatove kunze kwerwizi,” anodaro Danmore.

Amai vake, Mai Marita Gwenzi, vanoti: “Mwana wangu akanga asangana nerufu. Ndinofara kuti akakwanisa kurarama. Danmore anoda kusonwa oiswa imwe nyama pachidya.

“Nekudaro, isu tiri kunetseka kubhadhara mari yemuchipatara.”

Kanzura weWard 24 kuChipinge Rural District Council, VaWishes Hama, vanoti vari kushushikana zvikuru nekurwisa kuri kuitwa vanhu vemunzvimbo yavo nemhuka dzesango.

Share This:

Sponsored Links