Uncategorized

Mwana (13) akabuda mukanwa megarwe

03 Mar, 2021 - 10:03 0 Views
Mwana (13) akabuda mukanwa megarwe Garwe

Kwayedza

Danisa Masuku

MWANA mukomana ane makore 13 okuberekwa anogara mubhuku raDick, kuHwange, anonzi kasvipwa negarwe rainge ramuruma gumbo mushure mekunge arwisana naro apo rakamubata achiraura hove mudhamu reKalope Dam.

Craighton Dube anoti apo airaura, garwe rakabva ramuruma asi haana kuvhunduka sezvo akatanga kurirwisa achiridzvanya mhuno yaro zvakasimba nemaoko.

“Nguva dzakange dzave kuma4 dzekumazuva rodoka apo takaenda kunoraura hove kudhamu neshamwari yangu. Takange taisa mambure mumvura.
“Ndakapinda mudhamu ndichifunga kuti mambure ainge abata hove asi paive negarwe pedyo nemambure aya. Handikwanise kutsanangura kuti rakasvika sei pandiri sezvo ndakangoona randiruma gumbo rangu rekuruboshwe,” anodaro.

Craighton anoti akarwisana negarwe iri kusvikira abata mhuno yaro nesimba.

“Kutaura chokwadi, yakange iri nyaya yeupenyu nerufu nekudaro ndakashinga ndokubva ndadzvanya mhuno yaro kusvikira randiregera. Ndinotenda Mwari nekundipa hushingi uhu nekuti chakave chishamiso kuti ndikwanise kurikurira.

Ndakasara ndava nemaronda ekurumwa negarwe iri pagumbo nemumaoko,” anodaro.

Craighton anoenderera mberi achiti, “Ndakanetseka kuti ndishambire kudzokera kumahombekombe kwedhamu apo garwe iri rainditevera zvishoma nezvishoma. Ndakazobuda mudhamu iri.”

Zvisinei, gumbo raakarumwa negarwe iri rakazodamburwa.

Share This:

Sponsored Links