Uncategorized

Mwana (13) ozvidya nyama…Haasisina minwe, muromo nerurimi

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
Mwana (13) ozvidya nyama…Haasisina minwe, muromo nerurimi Tinotenda Soka akasungurirwa kuti arege kuzvidya

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Mhuri inogara mumusha weArmstadam, kuSouthlea Park, muHarare, yashaya zvekuita nemwana wavo uyo apedza kuzviruma achidambura minwe yake, miromo nerurimi — nyama dzacho achidya.

Mwanakomana uyu apera minwe nemiromo nekuda kwekuzvidya kwaari kuita izvo zvamupa hurema hwaakanga asina.

Dambudziko raTinotenda Soka (13) rinonzi rakatanga apo aiva muGiredhi 4 mushure mekunge angodonha ari kuchikoro.

Anonzi akazooma mitezo yake kudivi rerudyi mugore ra2015.

Mwana uyu anogara naamai vake avo vakarambana nababa vake.

Minwe yaTinotenda Soka iyo akadya

Anonziwo anoruma vamwe vana zvekupotsa avadambura nyama iyo anenge achida kudya.

Amai vaTinotenda, Mai Netsai Mhashu (33) — avo vanoita basa rekuhodha zvinhu kunze kwenyika vachitengesa — vanoti havachakwanisa kushanda mabasa nekuti vanogara vakachengeta mwana uyu.

“Mwana wangu anozvidya nyama yake uye apedza kuzvidambura minwe yake yekuruoko rweruboshwe — hapasisina akapedza kuzvitsenga-tsenga zvekuti atova chirema. Rurimi rwake anorwutsenga zvakare achimedza nyama dzacho zvekuti angosara nechidimbu chidiki zvekuti kana kudya haachagona. Muromo chaiwo ma‘lips’ ake apedza nekuzvidya.

“Zvakatanga ari mudiki achitova Giredhi 4 apo anonzi akadonha kuchikoro vamwe vachiti akarohwa nemumwe panhova. Ipapo akabva azoita stroke kudivi rekurudyi ndokutadza kufamba kana kugara. Anongogara arere achizvibatsirira ipapo,” vanodaro Mai Mhashu.

Vanoti baba vemwana uyu, Gonai Soka, vave kugara kuBindura asi vanotumira mari iyo isingakwane pane zvinodiwa padambudziko remwana uyu.

“Nhamo iyi ndeyangu ndoga, baba vacho vakandiramba apo mwana akatanga kuita hurema uhwu. Ndinopomerwa mhosva yekuti akaroyiwa kumba kwedu sezvo zvakatanga apo akanga aenda kumusha kwedu ari kwaamai vangu.

Muromo yaTinotenda Soka uyo waakazvidya

“Nekuda kwedambudziko rekuzviruma kunoita mwana uyu, ndinogara ndakamusungirira pawodhiropu nejira gumbo rekuruboshwe uyewo neruoko rweruboshwe asi anorumazve jira racho,” vanodaro Mai Mhashu.

Mudzimai uyu ane vamwe vana vatatu kunze kwaTinotenda.

Anoti apedza mari achifamba mudzin’anga nemumaporofita uyewo nekuenda kuzvipatara.

“Ndaizvishandira asi izvozvi hapana chinobuda nekuti handina wekumusiira. Vanhu vanouya pano kunyangwe vehukama havadi kusara naye nekuti semunhu watinopa zvekudya, vamwe vanhu vakada kumudyisa anovaruma. Vamwewo vanosema kumubvisa tsvina.

Netsai Mhashu

“Ndakaenda kuzvipatara zvinosanganisa Howard, Sally Mugabe, Bindura, Parirenyatwa, kumakiriniki akawanda zvose nekumachiremba akazvimirira. Ndikambonzi akakuvara pfungwa, kuri kudiwa mari yakawanda zvikuru kuti abatsirwe, kumwe kunonzi tsvagai US$1 000 kuti abatsirwe.”

Kune vanokwanisa kubatsira mwana uyu vanoshandisa nhare dzinoti 0776 372 311.

Mai Mhashu vanoti mwana uyu ari kunzi apote achienda kunoita mitambo yekusimbisa miviri asi havana mari inodiwa.

“Kwese kwandinonzi ndiende naye ndinotoita zvekuhaya motokari nekuti haagone kufamba uyewo ini handigone kumubereka. Vemakombi havadi kumutakura nekuti anotora nzvimbo yevanhu vatatu kana vana pakugara,” vanodaro

Mai Mhashu vanoti kuburikidza nedambudziko remwana uyu, havachakwanisa kuendesa vamwe vana kuchikoro nekuda kwekushaya mari.

“Vana vose havasisina kana mbatya, zvikuru uyu anorwara zvekuti ndinotomupfekedza madhende semunhu anozviitira tsvina,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>