Mwana (14) afa achangozvara

06 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Mwana (14) afa achangozvara VaNorris Jones

Kwayedza

Talent Gore

MWANA musikana ane makore 14 okuberekwa akafa achangobva mukusununguka nemusi wa2 Ndira.

Delight Masomeke anopinda kereke yeJohanne Marange akashaya nemusi weChipiri kuBuhera izvo zvakonzera kuti pave negakava pakati pevehukama.

Dzimwe hama dzakaramba kuti Delight avigwe vachiti patange patauriranwa nehama dzemurume akamupa pamuviri.

Sekuru vaDelight, VaNorris Jones, vanoti hapana munhu ati asungwa.

“Delight haasati avigwa, takakumbira mapurisa nezuro (Chitatu) kuti timbomisa kuvigwa kwake,” vanodaro.

“Nyaya yekufa kwemuzukuru wangu ichiri kunetsa, asi zvinonzi akabara mwana musikana nemusi wa29 Zvita 2022 pamba.

“Anga asiri kunzwa zvakanaka kubva ipapo kudzamara azoshaika nemusi weMuvhuro 2 Ndira.

“Takamhan’ara nyaya iyi kumapurisa, asi nazvino hapana ati asungwa.”

VaJones vanoti murume akapa muzukuru wavo pamuviri ane makore anodarika 20 okuberekwa.

“Pandakapedzisira kunzwa nezvake, akange achiita Grade 7. Zvekuti akaroorwa sei uye rinhi, handizvizivi. Ndakatoshamisika kunzwa zvekufa kwake mushure mekunge asununguka,” vanodaro.

“Ndava kuziva zvekare kuti ange ari mudzimai wechipiri wemurume uyu.”

VaJones vanoti vanorwadziwa zvikuru nerufu rwemwana uyu.

“Takatyamadzwa uye tichiri mukuchema, asi panguva imwe cheteyo, tine basa rekuona kuti zvinhu zvisina kunaka zvakadai zvisaitike zvakare,” vanodaro.

“Tichagara pasi nemurume wacho, asi mushure mekuongororwa kwechitunha.

“Pari zvino tiri kupa vakafirwa mukana wekuchema uye nekupa mapurisa nguva yekuferefeta nyaya iyi.”

Vanorwira kodzero dzevanasikana vari kushushikana nekuwanda kuri kuita vana vasati vabva zera vari kufa vachisununguka.

Gore rakadarika, mumwezve mwana, Anna Machaya (14), akafa apo aisununguka panzvimbo yechidzidzo yeJohane Marange kuManicaland, izvo zvakarwadza veruzhinji.

Ferby Munyafi ane makore 15 ekuberekwa wekwaChiadzwa kwaMarange akafa zvekare arasikirwa neropa rakawanda apo aisunungutswa pachitsidzo.

Mumwezve mwana wemakore 15 okuberekwa, Nokutenda Hwaramba, akashaya gore radarika apo aisununguka pachitsidzo kuBikita, kuMasvingo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey