Uncategorized

Mwana (14) afira kunwa doro rababa

23 Nov, 2021 - 17:11 0 Views
Mwana (14) afira kunwa doro rababa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUZVINHABHIZIMISI anogara mubhuku raZin’anga, kwaMambo Seke ari kunzi akarova mwanakomana wake wemakore 14 okuberekwa kusvikira afa achimupomera kuti akanga aba doro rake ndokurinwa.

Ravison Simbini (41) anova muzvinabhizimisi ane makombi nemota dzemushikashika dzinotakura vanhu kubva kwaMakoni, kuChitungwiza dzichienda kuDema, kwaSeke akatosungwa nenyaya yaari kupomerwa yekuponda mwana wake ainzi Roy Ebenezzer Simbini.
Mwana uyu aidzidza Fomu 1 pachikoro cheSeke High 1 chiri kuChitungwiza.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Inspector Simon Chazovachii vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika nemusi wa15 Mbudzi nenguva dza7 mangwanani.

“Iyi inyaya inosuwisa zvikuru, yemurume anonzi Ravison Simbini uyo akasungwa nemapurisa nenyaya yaari kupomerwa yekuponda mwana wake mukomana achimupomera mhosva yekuti ainge anwa doro rake. Murume uyu anonzi akanga arara asipo pamba, ari kushamwarikadzi uko akazouya nedoro raanoti ndiro rakazonwiwa nemwanakomana wake wekufa uyu,” vanodaro Insp Chazovachii.

Vanoti mwanakomana uyu akaramba nyaya yaaipomerwa iyi zvikazokonzera kuti baba vake vamurove nezvibhakera uye nebhandi redehwe kusvikira apera simba ndokufa zuva rimwe chete iroro.

Mudzimai waRavison, Mai Virginia Chitera (44) vanonzi vaisavapo vaenda kuchechi uko vakanorara panonzi mwana uyu akazosara achipomerwa kunwa doro rababa vake.

Mwana uyu anonzi akazotanga kubvunzwa nyaya iyi rechimangwana racho apo amai vake vakange vadzoka kubva kuchechi.
“Murume uyu anonzi akatanga kurova mwana uyu nezvibhakera uyewo nebhandi muviri wose achiisawo mvura mubhodhoro re’quart’ achimunwisa achiti aida kuti apfidze kupota achinwa doro. Zvinonzi akanwiswa mvura yakawanda iyo yaiiswa mubhodhoro achirohwa kusvikira ava kurutsa imwe ichibuda nemumhuno,” vanodaro Insp Chazovachii.Mai Chitera vanonzi vakaedza kununura mwana wavo kubva mukurohwa asi vakakundikana.

Mukurohwa kwaiitwa mwana uyu, anonzi ainzi nababa vake akwire mudhuri wemba negotsi izvo aitadza sezvo akanga asisina simba.
“Baba ava vanonzi vakazomira kurova mwana uyu apo akashevedzera kuti, ‘Dad’ chindiregai handisisina simba. Zvisinei nekuchema kwemwana uyu, zvinonzi baba vake vakamupa badza vakati aifanirwa kunochera makomba kumunda sechirango chekuba doro ravo.
“Akaenda kumunda uku ndokunoedza kutimba akazvitadza sezvo muviri wake wakanga usisina simba,” vanodaro Insp Chazovachii.
Anonzi akazopfugama mumunda muya ave kutadza kufamba.

“Amai vake vakazomutevera kumunda ndokumusesekedza kunomuisa muimba yake yekurara kuti ambozorora apo muviri wake wainge wazvimba achirutsa ropa nekubuda furo nemukanwa nemumhuno,” anodaro mapurisa.
Anonzi akaramba achirutsa ropa ari mumba make kusvikira tete, hanzvadzi yababa vake, vazouya ndokuedza kubatsira vakaona utano hwake husisina kuita zvakanaka.

“Mwana uyu akazoshaika nenguva dza1 masikati achingova mumba asina kuendeswa kuchipatara. Rechimangwana racho, baba vacho vakazoenda kumapurisa epakamba yepaZiko iri pasi peDema ZRP ndokunomhan’ara vachiti akanga afa nekurwara uye vachiti kubva ari mudiki, airwara nemusoro,” vanodaro Insp Chazovachii.

Mapurisa anosanganisira matikitivha vakaenda vakanoongorora mutumbi wemwana uyu ndokuona uine mavanga uye uine ronda pachirebvu.
Pamusoro pezvo, mutumbi uyu waibuda furo neropa nemukanwa nemumhuno zvikaita kuti pave nemibvunzo.
Mai Chitera vanonzi vakazoburitsa mashoko ekuti mwana wavo ainge arohwa nababa vake nenyaya yavaimupomera yekuti ainge aba doro ravo.

“Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheChitungwiza kunoongororwa apo baba vacho vakasungwa vachimirira kuenda kumatare edzimhosva nenyaya yavari kupomerwa yekuponda mwana wavo.”

Insp Chazovachii vanokurudzira vabereki kuranga vana zvine mwero.

“Ngatirangei vana vedu nenzira dzine mutsa kwete kudarikidza tichishandisa mhirizhonga. Pakadai baba ava vangadai vakashevedza masahwira kana vavakidzani kuti vazotsiura mwana uyu pane kumuranga voga. Ngativei nerudo nevana vedu, tichivaratidzawo hunhu hwakanaka mukurarama kwedu,” vanodaro Insp Chazovachii.

Share This:

Sponsored Links