Mwana (15) afira mutsime

03 Jun, 2022 - 18:06 0 Views
Mwana (15) afira mutsime Insp Kudakwashe Dhewa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA aive nemakore 15 ekuberekwa wemubhuku raMasela kwaMambo Chitanga, kuChiredzi anonzi akawira mutsime ndokufa apo aichera mvura yekushandisa pamusha pavo.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa18 Chivabvu mangwanani.

Shadreck Mawundu anonzi akatakura migomo miviri yemarita 20 ndokuenda pamugodhi uri chinhambwe chemamita 400 kubva pamba pavo, achinochera mvura.

“Shadreck Mawundu (15) akaenda kumugodhi uyu ari oga apo akasvikotanga kuchereredza mumugomo wekutanga ndokuzoda kuchereredza mumwe apo akazowira. Mudzimai anonzi Shamiso Mupfopfo (39) aiendawo kunochera mvura pamugodhi akazonzwa ruzha rwekuwira kwemukomana uyu akazozivisa ruzhinji rwakazouya kuzonyurura mutumbi wemukomana uyu,” vanodaro Insp Dhewa.

Mapurisa vakazoziviswa zvikaonekwa kuti mvura yemumugodhi uyu yaiva yakakwira mamita manomwe kubva pasi.

“Mapurisa vakaonawo kuti mutumbi wemukomana uyu waiva neronda hombe kugotsi uyewo gumbo rake rekurudyi raiva rakatyoka. Mutongi wedare reChiredzi Magistrate Court, Mai Mutukwa, ndivo vakazokumikidza rufu rwemwana uyu.

“Tinokurudzira kuti matsime kana migodhi ivakirirwe kuitira kuti zvisave nenjodzi kuvanhu pakuchera mvura,” vanodaro Insp Dhewa.

Share This:

Sponsored Links