Mwana (15) azvarira pachikoro

20 Jan, 2023 - 08:01 0 Views
Mwana (15) azvarira pachikoro VaTaungana Ndoro

Kwayedza

Michael Magoronga

MWANA ane makore 15 ekuzvarwa – uyo ari kuita Form 3 pachikoro cheLoreto High School iri kuKwekwe, kudunhu reMidlands – akasiya vamwe vake, kusanganisira mudzidzisi wake, vasina neremuromo apo akarwadziwa nemimba, ndokubarira mumahositeri epachikoro ichi.

Izvi zvakaitika mangwanani eChipiri svondo rino.

Mwana uyu akatozobatsirwa nevamwe vadzidzi nevadzidzisi kuti asununguke mwana wake, mushure ndokuzoendeswa kuchipatara.

Mukuru wechikoro ichi, VaPhillip Mapiravana, vanotsinhira nyaya iyi.

“Hongu, ichokwadi musikana uyu ari muForm 3 pachikoro chedu, ari kuita hake zviri nani uye takazivisa vabereki vake kuGweru. Ndizvo zvandingangotaura pari zvino,” vanodaro.

Mutauriri webazi redzidzo repuraimari nesekondari, VaTaungana Ndoro, vanoti pane hurongwa hwekuti mwana uyu awane rubatsiro mushure mekusununguka.

“Ichokwadi kuti mumwe wevadzidzi vedu akasunungukira mumahositeri uye pari zvino ari kurapwa mushure mekubara. Chikoro ichi, chakatungamirwa neanoona nezveutano (health coordinator), anove murairidzi akadzidzira basa, kumubatsira pakusununguka,” vanodaro.

VaNdoro vanoti vakatumirawo vekuchikamu chavo chinoona nezvekuchengetedzwa kwevana vechikoro kuti vabatsire vadzidzi ava.

“Takaendesawo vekuchikamu chedu chinoona nezvekugara zvakanaka kwevadzidzi kuti vabatsire mwana uyu pamwe chete nevamwe vana vepachikoro ichi,” vanodaro.

Izvi zviri kuitika panguva iyo nyika iri kunetseka nenyaya dzevana vari kuitiswa pamuviri.

Huwandu hwevanasikana vane pamuviri avo vanosiira chikoro panzira huri kuwanda munyika yose zvisinei nekuti pave nemutemo unovabvumidza kuramba vari kuchikoro kunyangwe vakapihwa pamuviri.

Mutemo weEducation Act, uyo wakavandudzwa gore rapfuura, unorambidza kudzingwa chikoro kwevana vanenge vabata pamuviri.

Kuita pamuviri uye kuroodzwa kwevana, ndezvimwe zvezvikonzero zviri kuita kuti vasiire chikoro panzira.

Munguva pfupi yadarika, musikana wekuTsholotsho ane makore mapfumbamwe okuberekwa akabatwa chibharo ndokubata pamuviri.

Musikana uyu akabatsirwa kusununguka pachipatara cheUnited Bulawayo Hospitals.

Share This:

Sponsored Links