Uncategorized

Mwana (15) kuitwa mukadzi wechi10

14 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Mwana (15) kuitwa mukadzi wechi10 Dr Nyoni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA ane makore 15 ekuberekwa akapotsa padiki-diki aitwa mudzimai wechi10 wemurume watete vake uyo ane barika revakadzi vapfumbwe.
Mwana uyu azonunurwa nesangano rinorwira kodzero dzevana, reSimukai Child Protection.

Sangano iri nguva pfupi yadarika rakaita musangano wemazuva maviri muguta reHarare uyo wakapindwa nemadzishe uye vainzvera nyaya dzekuroodzwa kwevana, kusanganisira chimiro chakaita mitemo maringe nenyaya idzi.

Pagungano iri, mumwe mwanasikana ane makore 15 ekuberekwa akapupura kuti akange oda kuroodzwa pabarika rine madzimai mapfumbamwe, iye achinoita wechigumi asi akazopukunyutswa nesangano iri.

“Ndakakura ndichigara nambuya uye ndichishaya zvinondikwanira kuti ndiende kuchikoro. Ndava muGrade 3, ndakanogara pane mumwe musha ndichishanda basa remumba asi ndakazobvapo mushure mekunge mwanakonama wepo ane makore 23 ekuberekwa akanga ava kuda kundibata chibharo.

“Ndipo ndakatorwa natete vachinogara neni asi vakaronga kuti ndiroorwe nemurume wavo ndigoita mudzimai wechi10,” anodaro mwana uyu.
Mwana uyu anoenderera mberi: “Tete vaitondifundisa kuwacha mbatya dzababamukuru dzemukati nekundituma kuti ndivaendesere mvura yekugeza. Saka pandaipinda muimba yekugezera muya nemvura, ndaiwana babamukuru vasina kupfeka, vasara nechipfeko chemukati bedzi.
“Izvi zvaindityisa uye vaisadura kuti amai vangu vaiveko, sezvo vainditi vakashaya saka vainge vakatonditoresa magwaro ekuzvarwa semwana asina vabereki. Apa nyambisirwa amai vaiveko.”

Anoti akazonunurwa kubva mukanwa meshumba neSimukai Child Protection vanova vakakwanisa kumubatsira kuronda vabereki vake uye kumuendesa kuchikoro.

“Ndinofara zvikuru nekuti ndava kuenda kuchikoro nevamwe uye ndinotarisirawo kuzowana basa riri nani rinondiyamura muupenyu hwangu nekuti ndiri munhu akaona nhamo huru. Simukai iri kuitisa zvekare mabhindauko sekusona, kubika nezvimwe kuti tikure tiine ruzivo rwezvinhu zvakatikoshera muupenyu.

“Tava kuzivawo kodzero dzedu sevana nekudaro hatichambunyikidzwa nyore,” anodaro.
Vaivawo pachirongwa ichi igurukota rinoona nezvevanhukadzi nekusimudzirwa kwevechidiki – Dr Sithembiso Nyoni – avo vanoti vechidiki vanoda kuchengetedzwa sezvo vari panyatwa huru yekumbunyikidzwa.

“Nhoroondo yemwana uyu yandirwadza zvikuru nekuti kune zvakawanda zvaakasangana nazvo, zvimwe zvaasina kutodura. Tikatarisa nezera rake, mumwe munhu anotoona mukadzi pamwana akadai? Tinoda kuti mitemo inorange vanhu vanombunyikidza vana inge ichisimbaradzwa uye veruzhinji vanofanira kuwaniswa ruzivo maringe nekuipa kwenyaya idzi.

“Nyaya dzakadai dzinodzorera dzidzo yevana kumashure uye vamwe vanofa panguva yekubara nekuti miviri yavo inenge isati yakura zvekubara senyaya yakabva kuitika yaAnna Machaya (15) uyo akashaya mushure mekubara,” vanodaro Dr Nyoni.

Bridget Zhou anova child right advocate and development practitioner kuSimukai Child Protection anoti vana vanoda kuchengetedzwa.
“Mudunhu reManicaland, tine nyaya dzakawanda dzekumbunyikidzwa kwevana nenzira yebonde, zvichinyanya kukonzerwa nekuwanda kwemamwe makereke epositori ayo anorunzira kuroodzwa kwevana apo vanenge vachiti varoteswa kana kupihwa mumweya kuti kamwana ako ndiko kanofanira kuita mudzimai wanhingi. Vana vari kuroodzwa kumadhara uye vana vavanobara vanoroodzwawo muzvitenderero izvozvo. Sesangano, tiri kupa chengedzo uye kutora vana ava tichivadzorera kuchikoro,” anodaro.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vekwaMutare vanoti mutemo ngaurange zvakasimba vapari vemhosva dzine chekuita nekumbuyikidzwa kwevana.

“Chinotishamisa ndechekuti munhu anenge aroora pwere vamwe vanopihwa zvirango zvekunofondoka pazvikoro apo vanotanga kupfimba zvekare vana. Vamwe vanopihwa bhera tovaona vachifamba-famba uye magumo enyaya dzacho hatizoaoni nekuti vamwe vanotsvaga magweta vokurira vana mukutaura mumatare.

“Vamwe vanoita zvekuripirana apo vabereki vemwana ambunyikidzwa vanopihwa mombe zvinova zvisingabatsire mwana ambunyikidzwa. Tinoda kuti pave nesungawirirano pakati pemitemo yechivanhu neyechirungu kuti patarwe kuti mupari wemhosva idzi anotongwa zvine huremu hwakadii zvichibva zvanyorwa pasi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>