Mwana (16) apondwa

01 Jun, 2022 - 17:06 0 Views
Mwana (16) apondwa Insp Luckmore Chakanza

Kwayedza

Melissa Makoto

MUSIKANA aive nemakore 16 okuberekwa akapondwa nenzira inotyisa, mutumbi wake ndokukandwa pamba pemuvakidzani kuStoneridge Park muHarare neMuvhuro manheru.

Anonzi akauraiwa nemurume anofungidzirwa kuti ane makore 21 okuberekwa.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yehumhondi zvichitevera kuwanikwa kwemutumbi wemusikana ane makore 16 okuberekwa wakakandwa pane imwe imba kuStoneridge Park,” vanodaro Insp Chakanza.

“Musikana uyu anonzi akapondwa nemunhu anotora zvinodhaka ane makore 21.”

Vagari vemunzvimbo iyi varatidza kukatyamadzwa zvakanyanya nehumhondi uhu uye vari kukumbira mapurisa kuti afambe munguva yemanheru nechinangwa chekurwisa dambudziko rekutengeswa kwezvinodhaka zvisingatenderwe.

“Tine vanhu vakawanda vanotengesa zvinodhaka, kusanganisira vechidiki nevarume vakuru vane chitsama, avo vari kuita mabasa aya mazuva ose,” anodaro mumwe wevagari vekuStoneridge Park.

“Kana mapurisa akawanda akafamba husiku, achisunga vatengesi vezvinodhaka, izvi zvinogona kuderedza nyaya dzakadai.”

Share This:

Sponsored Links