Mwana (16) oranga sekuru (53) . . . anovashagada nesimbi

14 Sep, 2021 - 15:09 0 Views
Mwana (16) oranga sekuru (53)  . . . anovashagada nesimbi Dare

Kwayedza

Gibson Mhaka

MURUME ane makore 53 okuberekwa wekuMakokoba, kuBulawayo akapukunyuka rufu nepaburi retsono mushure mekutemwa nesimbi kakawanda muviri wose nemuzukuru wake ane makore 16 ekuzvarwa senzira yekumurangira kushaya hunhu.

Alexander Maphosa anonzi akakuvara mushure mekunge arohwa nemuzukuru wake, Tonderai Musavengana, pamba pavo kuMakokoba.

Zvinonzi nemusi wa4 Gunyana gore rino nenguva dza8 manheru, Musavengana akaenda mubhedhuru masekuru vake achiita ruzha.

Sekuru vake vakamuyambira kuti aderedze izwi rake sezvo akanga ari kuita ruzha panguva imwe cheteyo vachimubvunza chikonzero kuti sei akanga apinda mubhedhuru mavo.

Musavengana anonzi akabva audza sekuru vake kuti akanga auya kuzovaranga sezvo vasina hunhu.

Anonzi akatora simbi iyo akashandisa kutema sekuru vake kakawanda muviri wose.

Maphosa akakuvara zvikuru achibva aendeswa kuMpilo Hospital kunorapwa uye nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa izvo zvakazoita kuti Musavengana asungwe.

Ari kutongwa nemhosva yemhirizhonga pasi pemutemo weDomestic Violence Act Chapter 5:16 uye akanzi adzoke kudare nomusi wa17 Gunyana apo anenge achibva kumba mushure mekupihwa bhera.

Share This:

Sponsored Links