Uncategorized

Mwana (2) afa arohwa nechibhakera

01 Oct, 2021 - 16:10 0 Views
Mwana (2) afa arohwa nechibhakera

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wemubhuku raChishiri, kwaRusike, kuGoromonzi akasungwa nemapurisa eko nemhosva yekukonzera rufu rwemwana wemuzukuru wake nekumurova nechibhakera.

Assistant Inspector Misheck Denhere avo vanova mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East vanoti Petros Chishiri (37) ndiye ari kupomerwa mhosva yekukonzera rufu rwemwana wemuzukuru wake.

Vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa13 Gunyana nenguva dza5 zuva rodoka.

Chishiri anonzi akabva kumba kweshamwari yake mumusha uyu ndokusvika pamba pake akawana paine muzukuru wake, Spiwe Muloyi (37), aiva akabereka mwana wake wemakore maviri okuberekwa kumusana.

“Murume uyu akawana Spiwe Muloyi ari pamba pake aine mwana wake, Tinotenda Nyangu, akamubereka kumusana. Paakasvika achiona muzukuru wake uyu, haana kufadzwa nazvo ndokutanga kudzinganisa mudzimai uyu achida kumurova nezvibhakera.

“Spiwe akaedza kutiza kusvikira abatwa naPetros Chishiri achibva aedza kumurova nechibhakera icho chakanopotera mumusoro memwana uyu aiva kumusana,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Chibhakera chaChishiri chinonzi chakanorova mwana uyu pamhanza achibva akuvara musoro.

Asst Insp Denhere vanoti Muloyi akazotora mwana wake, uyo aichema nekurwadziwa nemusoro, akaenda naye kukiriniki yeRusike akasvikorapwa asina kutaura kuti akanga arohwa nechibhakera naChishiri.

“Nemusi wa14 Gunyana nenguva dza9 husiku, mwana uyu akabva afa ari pamba. Mutumbi wake wazovigwa nemusi wa15 Gunyana usina kuongororwa nemachiremba uyewo usina magwaro ekuvigwa,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Mapurisa vanonzi vakazonyeverwa nemusi wa16 Gunyana nezvenyaya iyi vachibva vasunga Chishiri nemhosva yekukonzera rufu rwemwana uyu.

Chishiri akachengetedzwa nemapurisa achibatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi uye pari kugadziriswa magwaro ekuti mutumbi wemwana uyu ufukunurwe ugonoongororwa.

“Hatikurudziri mhirizhonga mudzimba kana pakati pevanhu uyewo tinoti vanhu vataurirane kana paine zvinonetsa, kana kuenda kumapurisa anodyidzana neruzhinji, kumasabhuku nemadzishe uyewo mafundisi edzisvondo akawanda matigere kana makanzura chaiwo,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Share This:

Sponsored Links