Mwana (3) arohwa akafa

06 Sep, 2022 - 14:09 0 Views
Mwana (3) arohwa akafa Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Talent Gore

MWANA musikana ane makore matatu ekuberekwa akafa mushure mekurohwa nababamukuru vake achipomerwa kunyangadza mabhurugwa ake netsvina apo airwara.

Mapurisa pari zvino vari mushishi kutsvaga murume uyu sezvo achinzi akabva atiza.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyath vanotsinhira nyaya iyi.

“Mapurisa ekuRuwa vari kuferefeta nyaya yekufa kwemwana ane makore matatu ekuberekwa kuMabvazuva,” vanodaro.

“Mwana uyu akafa mushure nekurohwa nebhandi nababamukuru wake, Ronald Moda.

“Anonzi akange anyangadza mabhurugwa ake apo airwara izvo zvisina kufadza babamukuru ava.

“Murume uyu ari kutiza kusungwa uye tinokumbira vane ruzivo nekwaari kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzirise nyaya dzinenge dzichinetsa mukugarisana kwavo murunyararo.

Share This:

Sponsored Links