Uncategorized

Mwana (5) akadyiwa nembwa dzechikomba

03 May, 2021 - 17:05 0 Views
Mwana (5) akadyiwa nembwa dzechikomba Inspector Margarate Chitove

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA mukomana ane makore mashanu ekuberekwa wekupurazi reNumber 33 kuMarirangwe, kuBeatrice, anonzi akazonhongwa mutumbi wake uchidyiwa nembwa mubhuku raMagarasadza, kudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro, apo anonzi ainge asiiwa oga pamba pechikomba chaambuya vake.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Magarate Chitove, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa27 Kubvumbi.
“Tine nyaya inosuwisa zvikuru yemutumbi wemwana wemakore mashanu wakawanikwa uchitodyiwa nembwa dzinonzi ndidzo dzakanga dzaruma mwana uyu kusvikira afa pasina munhu akamununura sezvo pamba paakasiiwa paisava nevanhu. Zvinonzi ambuya vemwana wekufa uyu vanonzi Iren Magarasadza (64) vepapurazi Number 33 kuMarirangwe vakabva kumba kwavo vaine muzukuru wavo uyo ainzi Zvikomborero Magarasadza (5) vachienda kunhamo kubhuku rekwaMagarasadza mudunhu raMambo Nyamweda,” vanodaro Insp Chitove.

Vanoti Iren Magarasadza akasvika pamusha waReuben Sibanda (68) anova chikomba chake apo akasvikosiya mwana uyu achitamba oga sezvo Sibanda aisavapo panguva iyi, uyo asina kuzivikanwa kuti akanga aenda kupi.

“Pamusha pakasiiwa mwana uyu, panonzi paiva nembwa mbiri dzaizivana kare nemwana uyu sezvo aigara achimboendapo naambuya vake. Nenguva dza1 masikati, Reuben Sibanda anonzi akadzoka pamba pake ndokuwana imbwa dzake mbiri dzichitodya zvidimbu zvenyama yemutumbi wemwana uyu dzichibvutirana,” vanodaro Insp Chitove.

Sibanda anonzi akazotora mutumbi wemwana uyu akauisa muimba yake yekurara achibva azodarikira kwaiva nenhamo kunozivisa Iren Magarasadza nezvechiitiko ichi.

“Iren Magarasadza akazoenda kumapurisa epakamba yekwaNyamweda (ZRP), apo mapurisa eNorton Rural vakazonoona chiitiko ichi. Dzimwe nhengo dzakawanikwa dzisipo pamutumbi uyu dzaisanganisira matama nemaziso uyewo ropa raiva rakazara pavharanda repamba paReuben Sibanda,” vanodaro Insp Chitove.

Mutumbi wemwana uyu wakaendeswa kuchipatara cheNorton kunoongororwa.

“Tinokurudzira kuti vabereki vachengetedze vana zvakanaka pasina kuvayanika munjodzi sezvakaitika izvi. Zvinotinetsa kuti tizive kuti ambuya ava chii chakaita kuti vasiye muzukuru wavo pamba paisava nemunhu apo vaiona zvakare kuti paiva nembwa.
“Imbwa chikara, inogona kungoita zvose-zvose, tikatarisa zera remwana uyu zvinoshamisa zvikuru kuti sei vakasiya mwana uyu oga muridzi wemusha asipo,” vanodaro Insp Chitove.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey