Mwana (8) abara neoparesheni

25 Jan, 2023 - 14:01 0 Views
Mwana (8) abara neoparesheni Mwana ane mimba

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuBINDURA

MWANA wekuBindura ane makore masere ekuberekwa, uyo aigara pamba pakachengetedzeka mushure mekuonekwa kuti ane pamuviri, asununguka mwana mushure mekuvhiyiwa zvakanaka muchipatara cheBindura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa pachipatara cheBindura, Sister Sitembile Mutsvairo, vanoti mwana uyu akasununguka nekuvhiiwa uye amai nemwana vose utano hwavo hwakanaka.

Vanamukoti nemachiremba vanosunungutsa vakapiwa basa rekuongorora mwana uyu apo nhumbu yake yaive nemwedzi mitanhatu.

“Oparesheni iyi yakabudirira, hapana zvigozhero zvakasanganikwa nazvo. Achange ari muchipatara kwemazuva mashoma apo anenge apora uye mushure mezvo bazi reSocial Welfare ndiro richatora basa,” vanodaro.

VeSocial Welfare havana kuda kutaura pamusoro penyaya iyi, asi vamwe vari kuziva mafambiro ezvinhu vanoti pane mukana wekuparadzaniswa kwaamai nemwana sezvo mwana uyu asingakwanise kuchengeta kasvava aka nekuda kwezera rake.

Mwana uyu aive muGrade 3 apo anonzi akabatwa chibharo nevakomana vaviri vemumba mumwe chete vane makore 17 okuberekwa vemunzvimbo imwe chete iyi uye vari kuramba mhosva iyi.

Gurukota rezvemadzimai, nharaunda nekusimudzirwa kwemabhizimisi madiki neari pakati nepakati – Dr Sithembiso Nyoni – avo vakashanyira mwanasikana uyu gore radarika, vakapa pfungwa yekuti panogona kuitwa ongororo yemaDNA kuitira kuti paonekwe kana mumwe wevakomana ava akapa mwana uyu pamuviri.

Vakavimbisa mhuri yemwana uyu kuti vachashanda navo kumudzorera kuchikoro uye kubatsira amai vake kutanga bhindauko.

Nyaya iyi yakabuda pachena mushure mekunge mukuru wepachikoro cheKambira Primary aona kukura kwaiita dumbu remwana uyu.

Amai vake vakafunga kuti shanduko yemuviri wake yaikonzerwa nehurwere ndokuenda naye kumaporofita sezvo akange atotanga kutevera kare.

Mushure mekunge pamuviri apa paonekwa pave nemwedzi mitanhatu, bazi reSocial Welfare rakabva ramutora kuti anogara kune imwe imba yakachengetedzeka.

Gore rakapera munaMbudzi, mumwe musikana ane makore mapfumbamwe okuberekwa wekuTsholotsho akasununguka mwana mukomana muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals kuburikidza nekuvhiyiwa.

Share This:

Sponsored Links