Mwana (8) afa aputikirwa nebhomba

27 May, 2022 - 14:05 0 Views
Mwana (8) afa aputikirwa nebhomba

Kwayedza

Liberty Dube

MWANA wemakore masere okuberekwa akauraiwa negirinedhi (grenade) iro rakaputika paaitamba naro nevamwe vake vachifunga kuti raive bhora kuBuhera nguva pfupi yadarika.

Tinevimbo Seven (8) aitamba naTadiwanashe Seven (14) apo girinedhi ravakanga vanhonga vachifunga kuti ibhora rakaputika.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Norbert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi.

Insp Muzondo vanoti Tinevimbo akakuvara zvakaipisisa pachipfuva nepachiso nekuputika uku.

Inspector Norbert Muzondo

Akabva angofa.

“Vakomana vaviri ava vakanhonga chinhu chavaifungira kuti raive bhora. Havana kuziva kuti chaiva bhomba rine ngozi. Tinevimbo akatora ‘bhora’ iri. Vakatanga kutamba naro.

“Paitamba vana ava, amai vavo, Mai Monica Muchineresa vakanzwa kuputika. Vakabva vamhanya kuendako ndokuona kuti Tinevimbo akanga akuvara zvakaipisisa uye aine maburi pachipfuva, paruoko rweruboshwe nekumeso. Vakazama kumubatsira kuburikidza neFirst Aid asi zvakashaya basa.

“Vakazoshevedza VaMaxwell Shumba kuti vavabatsire, asi mwana uyu akabva afa. VaShumba vakanomhan’ara kumapurisa, mutumbi waTinevimbo ndokuendeswa kumochari,” vanodaro Insp Muzondo.

Zvichakadaro, mwana aive nemwedzi minomwe yekuberekwa, Dion Pango — uyo anonzi akangoshaikwa pamwe chete naamai vake vane makore 17 okuzvarwa — mutumbi wake wakawanikwa wakayangarara murwizi rwaRusape kwaMambo Makoni svondo rapfuura.

Amai vake, Muzvare Takudzwa Nelsa, havasati vawanikwa.

Mutumbi waDion waive wakachekwa zvakadzama pamutsipa uye mapurisa anofungidzira kuti akapondwa.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanoti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kuenderera mberi, apo amai vemwana uyu vachiri kutsvagwa.

Muzvare Nelsa vanonzi vanorwara nepfungwa uye vanogara paPlot 2 kuEarlymore Farm kwaMambo Makoni.

“Muzvare Nelsa vakabva pamba nemwana wavo vachishanyira tete vavo, Mai Virginia Chipodoto. Zvisinei, havana kusvika apo vanhu vakazotanga kuvatsvaga. Vaviri ava havana kuwanikwa.

“Mwana uyu akazowanikwa mutumbi wake wakayangarara murwizi rwaRusape aine ronda rakadzika pahuro. Vane ruzivo rwungabatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi vanogona kuenda kukamba yemapurisa iri pedyo navo,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Share This:

Sponsored Links