Mwana (9) abara mwana musikana

14 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Mwana (9) abara mwana musikana Mwana ane mimba

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MWANA musikana wekuTsholotsho ane makore mapfumbamwe ekuberekwa, uyo ari muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals (UBH) mushure mekunge aonekwa kuti ane pamuviri, asununguka.

Abara mwana musikana.

Chiremba anga achiona mwana uyu kuUBH, Dr Ellen Takaringwa Hondonga, vanotsinhira nezvekusununguka kwemwana uyu.

“Mwana azvarwa mambakwedza eMuvhuro. Vose mwana naamai vane utano hwakanaka. Mwana ane huremu hwe3,090g uye musikana,” vanodaro.

Dr Hondonga vanoti vamuvhiya vachibatsirana nemumwe chiremba, Dr Gladys Muringani.

Mwana ane makore mapfumbamwe ekuberekwa uyu anga achibatsirwa nechikwata chenyanzvi dzekuBulawayo zvichitevera kuzivikanwa kwazvakaitwa kuti ane pamuviri apo pasati pazivikanwa kuti ndepaani.

Baba vemwana uyu vakasungwa musi wa29 Nyamavhuvhu apo zvakaonekwa kuti aive nepamuviri uye vari kubatsira mapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Zvinofungidzirwa kuti mwana uyu akava nepamuviri mushure mekubatwa chibharo kakawanda.

Akakurumidza kuyaruka kuti aite pamuviri nguva zera rake risati rakwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>