Mwana (9) akamitiswa nabhudhi (13)

26 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Mwana (9) akamitiswa nabhudhi (13) Mwana ane mimba

Kwayedza

Rutendo Nyeve

ONGORORO yemaDNA yakaitwa kuti pazivikanwe munhu akamitisa mwana musikana wekuTsholotsho ane makore mapfumbamwe ekuberekwa yaburitsa kuti baba vemwana akabarwa masvondo maviri adarika kubva pamimba yechibharo iyi ihanzvadzi yekasikana aka ine makore 13 okuzvarwa.

Izvi zvaziviswa nemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) neMugovera uno.

“Mapurisa eZimbabwe Republic Police anozivisa nezvabuda muongororo yeDeoxyribonucleic Acid (DNA) iyo yakaitwa neveNational University of Science and Technology musi wa25 Mbudzi 2022, pamusoro pekuda kuziva murume akamitisa mwana ane makore 9 okuzvarwa uyu. Ongororo yaburitsa kuti hanzvadzi (13) yemwana uyu ndiye baba vemwana achangobva kubarwa nemwana uyu,” anodaro mapurisa.

Mapurisa vanoti vaviri ava, hanzvadzi nehanzvadzi, vachapangwa mazano nechikamu cheZRP chinodaidzwa kuti Victim Friendly Unit.

“Musikana uyu zvose nehanzvadzi yake vave kuzopangwa mazano nechikamu chedu cheVictim Friendly Unit (VFU). Mapurisa vava kushanda zvakare nemapazi eHurumende akakodzera kuti patevedzwe gwara kwaro remutemo,” inodaro ZRP.

Baba vemwana musikana ane makore mapfumbamwe uyu vainge vakatorwa nemapurisa kubva musi wa29 Chivabvu apo zvakabuda kuti mwana uyu ane pamuviri.

Zvisinei, nekuda kwekuti mwana uyu haana kukwanisa kutaura kuti akabatwa chibharo nani, Hurumende yakazoronga kuti paitwe ongororo yemaDNA nechinangwa chekuti zvionekwe kuti aifungirwa uyu ndiye here zvedi baba vekasvava kakazvarwa masvondo mashoma adarika.

VeNational University of Science and Technolody (NUST) Applied Genetic Testing Centre vakabva vazvipira kuita ongororo iyi pachena sebasa ravo retsiyo nyoro kunharaunda. – Sunday News.

Share This:

Sponsored Links