Uncategorized

Mwana (9) ari kushaikwa

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Mwana (9) ari kushaikwa Tafadzwa Mulilo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MHURI inogara kuShackleton pedyo nemugodhi weAlaska Mine, kuChinhoyi, inoti yasvitsa mwedzi mina vasingazive kune mwanakomana wavo wemakore mapfumbamwe okuberekwa uyo anonzi akangonyangarika apo akanga ashanyira sekuru vake vanogara munzvimbo imwe chete iyi.

VaFriday Mulilo (40), avo vanova baba vemwana uyu, vanoti vapererwa nemazano kuti mwana wavo achawanikwa ari mupenyu here zvichitevera kuwanda kwenyaya dzevana vari kupondwa munyika nechinangwa chekuchekeresa.

Vachitaurwa navo panhare nemusi weChipiri, VaMulilo vanoti vakashaya mwana wavo, Tafadzwa Mulilo (9), nemusi wa11 Nyamavhuvhu gore rakapera.

“Mwana akabva pamba achiti aishanyira sekuru vake hanzvadzi yaamai vake, Claudious Mapurazi, vanogara kupurazi reMaware kana kuti kwaSteel chinova chinhambwe chemakiromita mana kana mashanu kubva patinogara paShackleton. Kubva ipapo, mwana akabva ashaikwa uyo watiri kutsvaga nanhasi uno,” vanodaro VaMulilo.

Vanoti mwana uyu aipinda chikoro Grade 2 paShackleton Primary School.

“Semunhu aigara achimboenda kwasekuru vake kupurazi reMaware, akabva pamba semazuva ose achisiya ini naamai vake, Georgina Hove (35), nevamwe vana tiri pamba. Akasimuka masikati apo anonzi akanosvika kumba uku akaonekwa nanasekuru vake. Asi, pakuzodzoka kwake mwana uyu haana kuzosvika kumba kusvika nanhasi, ndiko kakava kekupedzisira kuonekwa kwake,” vanodaro VaMulilo.
Vanoenderera mberi vachiti, “Taona mwana asina kusvika kumba, takazoenda kunomhan’ara nyaya iyi nemusi wa15 Nyamavhuvhu kumapurisa ekuLions Den.”

VaMulilo vanoti vave kutyira kuti mwana wavo achiri mupenyu here zvichitevera nyaya yemwana wekwaMurehwa, Tapiwa Makore (Jnr) uyo akapondwa gore radarika mutumbi wake ndokuzowanikwa usina musoro, mawoko nemakumbo.

Kune vane zvavanoziva nekuda kwemwana uyu vanogona kuridza nhare dzinoti 0771 591 042, 0714 768 065 kana 0786 494 716 votaura nevabereki vake.

Assistant Inspector Ian Kohwera, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, vanoti nyaya yekushaikwa kwemwana uyu haisati yasvitswa kumahofisi avo.
“Kana mwana ane makore 9 okuberekwa achinzi akasiiwa achifamba oga rwendo rwemutunhu unoita makiromita mana kusvika mashanu, urwu rwendo chairwo rwekuti mwana wezera iri angafambe oga.

‘‘Kune vanhu vari kunyengerwa nemaporofita nen’anga kuita zvose-zvose, tinokumbira kuti vanhu vabatsire nekuchengetedza vana vavo, zvikuru apo vagere kudzimba vasingaende kuchikoro nekuda kwedenda reCovid-19.

“Pakutsvagwa kwemwana uyu, tinokumbira ruzhinji kuti tibatsirane tose senyika,” vanodaro Asst Insp Kohwera.

Share This:

Sponsored Links