Mwana (9) atsikisa kambo

14 Dec, 2022 - 17:12 0 Views
Mwana (9) atsikisa kambo Maryllamah ‘Maryam’ Jawad aina baba vake Umali ‘Papah Jawah’ Jawad.

Kwayedza

Abel Ndooka

KASIKANA kane makore mapfumbamwe ekuberekwa – Maryllamah ‘Maryam’ Jawad – kaburitsa kambo kako kekutanga kanonzi “Mubereki” ako kari pamusoro pekuoma kunoita upenyu hwevana vazhinji mushure mekunge vafirwa nevabereki.

Maryam akabatsirwa kutsikisa kambo aka nababa vake, Umali ‘Papah Jawah’ Jawad, avo vane mukurumbira munyaya dzemimhanzi.

Semwana akazvarirwa mumhuri yemhanzi, Maryam anoti akafunga zvekutevera matsimba ababa vake sezvo achiti mimhanzi ndiyo inovabatanidza.

Anoti anoimba nziyo dzinobata nyaya dzetsika nemagariro evanhu naizvozvo kambo kake kekutanga kanotaura zvinoitika muupenyu hwevana vazhinji avo vanokura vari nherera.

“Zvemhanzi zviri muropa, ndakazvitorera kuna baba vangu Umali Jawad avo vari kundibatsira.

“Ini mhanzi yangu inobata tsika nemagariro evanhu munharaunda dzakasiyana, kusanganisira kukura kunoita vana vanenge vakafirwa nevabereki vavo.

“Hakuna chinhu chinorwadza semwana kukura usina mubereki, hupenyu hunombooma sezvo uchigona kumbosemwa nevehukama. Saka ndinoda kukurudzira hama neshamwari kuti vasarase vana vehama dzavo avo vanenge vasiwa vari nherera,” anodaro.

Kambo kaMaryam aka kakateverwa nevhidhiyo iro rave kutotenderera padandemutande reYouTube.

Baba vake – Papah Jawah – anoti zvakakosha kuti vaimbi vane mukurumbira vakaona kuti vana vavo vane zvipo zvemhanzi vavabatsire kusimukira muindastiri iyi.

Anoti izvi zvinobatsira kusimbaradza zita remhuri mune zvekuimba.

“Mubereki ukaona kuti mwana wako ari kuratidza kuve nechido mune zvemhanzi, usamurambidze asi mubatsire womuraidza gwara rekufamba naro nekuti hauzive pamwe mhanzi ndiyo ichakusimudzirai mese mune remangwana.

“Ngatibatsire vana vedu tivasimudzire zvipo zvavo,” anodaro Papah Jawah.

Share This:

Sponsored Links