
Kingstone Mapupu
MWANAKOMANA ane makore mapfumbamwe ekuberekwa anonzi akafuma akazvisungirira pamuti netambo kudunhu raMambo Chivero, kuMhondoro.
Mwana uyu, wemumusha waSabhuku Denhere, akawanikwa mutumbi wake wakarembera mumuti uye wakaonekwa naVaRodrick Andrea (47).
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Ian Kohwera, vanoti vemhuri yemwana uyu vakaenda kunorara husiku hwaiva hwadarika pasina kutaridza kuti pane chainetsa kumushakabvu uyu nevamwe vose vaivapo.
“Vemhuri iyi vakadya kudya kwavo kwemanheru nemusi wa28 Zvita pasina zvainetsa vachibva vaenda kunorara kudzimba dzakasiyana. Mangwanani acho musi wa29 Zvita, vakazonzwa mashoko anorwadza ekuti mwana wavo aiva aonekwa mutumbi wake wakarembera mumuti, nyaya iyi ichibva yanomhan’arwa kukamba duku yeGonza ZRP Base kwaMarisamhuka mapurisa ndokutanga kufeya,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoti mutumbi wemwana uyu wakazoturunurwa kubva mumuti uchibva watakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheNorton uko waiva wakamirira kuongororwa nanachiremba.
“Kufeewa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoti mapurisa ari kushushikana zvikuru nekuda kwevana vari kufa nekuzvipfuudza nenzira dzakasiyana kudunhu iri.
“Semapurisa, tiri kunetseka zvakanyanya nekuwanda kuri kuita nyaya dzevana vari kufa nekuzviuraya mudunhu redu reMashonaland West. Vazhinji vacho vanozviuraya mushure mekutsiurwa nevabereki kana vavanogara navo. Tinokurudzira vabereki kana vamwe vanogara nevana kuti vavatsiure vachitaura navo nemashoko akadzikama uye vachizivawo pekugumira. Zvakakoshawo kugara tichiongorora kuti vana vedu havasi kutora zvinodhaka here sezvo dambudziko rezvinodhaka risina zera,” vanodaro Insp Kohwera.
Vanoyambirawo vechidiki kuti vanofanirwa kuyeuka kuti ndivo vatungamiriri vemangwana nekudaro vanofanirwa kugamuchira kutsiurwa kana paine pavakanganisa.
“Kuzviuraya hakuna zvakunogadzirisa asi kuti kunosiya vabereki nevamwe vachitambudzika vaine kusuwa kukuru zvichidzosera kumashure upenyu hwavo,” vanodaro Insp Kohwera.