Mwana (9) haasi kutoziva kuti ane pamuviri

18 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Mwana (9) haasi kutoziva kuti ane pamuviri Prof Mavima

Kwayedza

Fungai Lupande

GURUKOTA rezvevashandi nekubatsirwa kwevanotambura, Professor Paul Mavima, vanoti mwana musikana ane makore mapfumbamwe okuberekwa uyo ane pamuviri wepaKambira Primary School, kuBindura haazi kuziva kuti akazvitakura.

Prof Mavima vanoti mwana uyu ari kuchengetwa nevebazi reSocial Development Department senzira yekumuchengetedza kuti asarambe achishungurudzika.

Vanoti utano hwake huri pakanaka uye ari kupangwa mazano nanamazvikokota vezveutano hwepfungwa.

Mwana uyu anonzi akabata pamuviri mushure mekubatwa chibharo nevamwe vakomana vaviri vane makore 17 vekuBindura kwakare avo vose vakatosungwa.

Nyaya inokatyamadza iyi inotevera imwe zvekare yakaitika kuTsholotsho uko mwanasikana ane makore mapfumbamwe okuberekwa svondo rino akasununguka mwana musikana muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals mushure mekubatwa chibharo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey