Mwana abatwa nemagetsi ku’show’

06 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Mwana abatwa nemagetsi ku’show’ Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUCHIITIKO chinosuwisa zvikuru, mwana mukomana ane makore 12 ekuberekwa akabatwa nemagetsi achitamba kunhandare yedandaro revana kuLuna Park kuZimbabwe Agricultural Show nemusi weMugovera wadarika.

Mapurisa anoti mwana uyu akabata paive nemagetsi ari pachena achitamba nevamwe achibva angobatwa nemoto wemagetsi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti: “Pane nyaya inosuwisa yemwana ane makore 12 ekuberekwa uyo akabatwa nemagetsi mushure mekunge abata nzvimbo ine simbi netambo dzemagetsi musi wa3 Gunyana 2022 kuZimbabwe Agricultural Show Lunar  Park.

“Mwanakomana uyu akashaya achangosvika pachipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals uye mapurisa vari kuongorora nezvenyaya iyi.”

Mune imwewo nyaya ine chekuita nekurasikirwa neupenyu hwemwana, Asst Comm Nyathi vanoti mapurisa ekuMabvazuva, kuRuwa vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwemwana ane makore matatu ekuberekwa nemusi weMugovera mushure mekunge arohwa nasekuru vake, Ronald Moda, nemusi weChishanu wapfuura.

Mune imwezve nyaya, kuEpworth kune nyaya yekasvava kanonzi kakakandwa mudhamu reko, inova nyaya iri kuongororwa zvekare nemapurisa.

Share This:

Sponsored Links