Mwana abvarurwa rurimi nepakati

30 Apr, 2023 - 09:04 0 Views
Mwana abvarurwa rurimi nepakati Mai Beauty Muchayana

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MWANA ane mwedzi mitatu yekuberekwa ari kurwira upenyu hwake mushure mekunge rurimi rwake rwadimburwa nepakati nemuvakidzani wevabereki vake apo aida kumucheka karimbo kuChiadzwa, kwaMutare, nguva pfupi yadarika.

Amai vemwana uyu, Mai Beauty Muchayana, vanoti muvakidzani wavo, Andrew Muchena, akacheka mwana uyu karimbo nereza yakamboshanda pasina kuwirirana navo.

Nzira iyi, iyo isingabvumirwi nemutemo, yakasiya mwana uyu atsemurwa rurimi rwake nepakati, kubva kwarwunotangira kusvika kuhuro.

Mudzimai uyu haasati okwanisa kunyatsoyamwisa mwana wake kubva pakaitika izvi mwedzi wapfuura.

Kunyangwe ave nemwedzi mitatu chete yekuberekwa, mwana uyu kusvika pari zvino avhiiwa katatu zvechimbi-chimbi kuti agadziriswe rurimi rwake sezvo masitichi aari kusonwa ari kuramba achibvarukira.

Pamwe chete, asonwa masitichi 16 parurimi rwake.

Pakashanyirwa Mai Muchayana nevatori venhau vedu, mwana uyu akwanikwa achingochema uye asinganyarare nekuda kwemarwadzo nenzara.

Rurimi rwake rwave rutematema nekuda kwemasitichi aari kusonwa.

Vachirondedzera nyaya inosuwisa iyi, Mai Muchayana vanoti mwana wavo akange ave nemwedzi mumwe chete wekuberekwa asinganyatsoyamwa zvakanaka apo vakabvunza shamwari dzavo kuti chingava chii chainetsa.

“Vakati mwana wangu aive nekarimbo kaifanirwa kuchekwa. Ndakaudzwa kuti Muchena ndiye aikwanisa kuita mabasa akadai munharaunda medu.

“Zvisinei, pandakaenda kwaari, akati haazive kuti ozviita sei. Mushure memazuva mashoma, nemusi wa28 Kurume kuma5 mangwanani, Muchena nemumwe mukomana anonzi Manjokoto vakagogodza pamusiwo pangu vachindiudza kuti vakanga vauya kuzocheka mwana karimbo.

“Ndakavaudza kuti ndakanga ndisati ndagadzirira asi vakasimbirira vachiti vaizomucheka karimbo aka chete nechisimba. Handina kukwanisa kuona maitirwo aiitwa zvinhu nekutya saka ndakabva ndabuda panze ndikavasiya nemwana wangu.

“Papera maminitsi mashoma, Manjokoto akabuda panze achizungudza musoro. Akataura kuti mukati makange musina kumira zvakanaka uye ndaifanira kupinda mumba ndinunure mwana wangu. Ndakati ndichipinda, mwana wangu aichema zvisingaite apa Muchena akange atopakira ‘sheet’ raive neropa mumuromo memwana.

“Ropa rakanga rakazara pose-pose, akanditambidza mwana ndokukumbira ruregerero achiti akanga atadza basa racho,” vanodaro Mai Muchayana.

Mudzimai uyu anoti Muchena akamukumbira kuti asaudze vanhu zvakange zvaitika.

Kubva ipapo, mwana uyu akabva atomira kuyamwa uye achichema zvisingaite.

Mai Muchayana vakazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa paChikanga Police Station, kwaMutare ikoko.

Muchena haana kukwanisa kubatika panhare yake kuti apewo divi rake panyaya iyi.

Vanoda kubatsira Mai Muchayana vanogona kuvabata panhare dzinoti 0780 844 085 kana mukoma wavo Mai Maureen Mapati panhare dzinoti 0774 364 306.

Zvakadai, chiremba wezvevana – Dr Dorcas Masanga-Mutede – vanoti oparesheni yekucheka karimbo inofanirwa kuitwa navanachiremba vanamazvikokota venzeve, mhuno nehuro (ear, nose and throat (ENT specialist)

Zvinonzi kana dambudziko rekarimbo rikasagadziriswa, munhu anokwanisa kutadza kudya nekutaura zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links