Mwana afira mutsime

02 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
Mwana afira mutsime Sergeant Major Samuel Chikasha

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA ane makore matatu ekuberekwa anonzi akawira mutsime ndokufa apo aitamba nemumwe wake papurazi reBeacon Hill riri kuBindura.

Shallom Gombera anonzi akawira mutsime iri nemusi wa29 Chivabvu nenguva dza1 masikati apo akasiiwa achitamba nehanzvadazi yake, Shatel Gombera (6), muchivanze chepamba pavo.

Vana ava vakasiiwa vachitamba pamba apa apo amai vavo – Nyasha Chadzimira (26) – vakanga vashanyira sekuru vavo, VaDanmore Gombera (51), vanogara mupurazi rimwe chete iri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Sergeant Major Samuel Chikasha, vanoti Shallom akazoenda patsime rakadzika mamita maviri nechidimbu iro raiva risina kuvharwa pamusha apa achibva awiramo.

“Shatel Gombera akazotanga kutsvaga hanzvadzi yake iyo aisaona akazowana mutumbi wake wakayangarara pamusoro pemvura,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Shantel akazivisa amai vavo vakazoenda patsime iri pamwe chete naTapiwa Gombera (23) vakabva vanyurura mutumbi wemwana uyu.

Nyaya iyi yakabva yamhan’arwa kumapurisa eZRP Bindura Rural mutumbi ndokuendeswa kumochari yechipatara cheBindura.

Mapurisa ari kuyambira veruzhinji kuti vavakirire migodhi nematsime avo uye hazvina mhosva kuti ari pedyo nemisha kana kuti ari kure.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vavakire matsime, angava madiki kana makuru, kuti vanhu vasawire,” vanodaro Sgt Major Chikasha.

Share This:

Sponsored Links