Mwana akadzidza akaita sei?

24 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naChiremba
KANA tichitarisa dzidzo itsva iri kudzumbunurwa iyo yakatanga gore ra2017, tinoona kuti mwana anenge anwa dzidzo iyi anofanirwa kunge akagukuchira murongomuna wezvinhu zvinoti ruzivo rwenjere, zvemaoko, zivo yezvinhu zvakanaka nezvakaipa muupenyu uye ruzivo nepfungwa dzekuti “ndiri mwana wevhu”. Pamusoro pezvo pane pfungwawo yekuzvibata uye kufarira nekusafarira chinhu.

Ruzivo rwenjere:

Ruzivo rwunofanirwa kunge rwune mwana apedza dzidzo rwunofanirwa kunge rwuri rwunokwanisa kuti agone kunyora nekuverenga, kushandisa masvomhu/nhamba uye kusevenzesa maoko nedzimwe nhengo dzemuviri wake.

Zvakadaro hazvo, zvakakosha kutaura kuti mwana anofanirwa kunge adzidza dahuna rose redzidzo rakarukwa nezvidzidzo zveSTEAM.

Zvidzidzo zvose izvi zvinofanirwa kunge zvakati tindindi kuny’ura munhoroondo yenyika yaZimbabwe, tsika nemagariro edu, masikirwo enyika yedu naNyadenga uye kushanda nekubatana kwayo nedzimwe nyika. Pamusoro pedzidzo iyoyi, mudzidzi anofanirwa kunge aine ruzivo rwezvinotevera:

Kunge ava neruzivo rwebumbiro remutemo renyika yedu, ruzivo rwemararamiro chaiwo emunhu muZimbabwe akaita sekuziva mutemo, sekuti munhu akura anenge ave wezera ripi, mitemo yezvekuvhota, kuziva kodzero dzevana, kodzero dzevanhu vakuru, kodzero dzevarume nedzevakadzi nemimwewo mitemo.

Pamusoro pazvo, mwana anofanira kunge ave neruzivo rwenharaunda yake uye machengetero ainofanirwa kuitwa.

Apa ndinotaura nezvinhu zvakaita sekuchengetedza nharaunda yakachena (kwete zvatiri kungoona zvevanhu vanongorasa marara pose pose), kusima nekuchengetedza miti (kwete zvekungoitema nekupisa masango izvo zvaparadza nyika yedu), kuchengetedza mvura uye kuvhara makoronga.

Dzidzo itsva iyi inotarisirawo kuti mudzidzi anobuda muchikoro ave neruzivo rwekutanga rwezvemabhizimusi — kugona kushandisa mari uye kukwanisa kuziva kuti kuita mari kana kurasikirwa nemari mubhizimusi kudii.

Mukupedzisira, mudzidzi anofanirwa kubuda muchikoro okwanisa kushandisa micheni yakaita semakombiyuta mumabasa akatsaukana anosanganisa kutumira mashoko nemamwewo.

Muchikamu chinotevera tichatarisa zvichabuda nemwana mudzidzo itsva.

Share This:

Sponsored Links