Mwana akatsakatika aendeswa kun’anga

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
Mwana akatsakatika aendeswa kun’anga MITCHEL ZHANJE

Kwayedza

MUKADZI wekwaSeke ari mubishi kutsvaga mwanakomana wake ane makore 20 okuberekwa uyo waanoti akamushaya muna Chivabvu gore rino mushure mekunge amuendesa kunorapwa kune imwe n’anga yekuChitungwiza.

Mai Constance Chanakira (54), avo vanogara kuMayambara, vanoti havacharangarira zuva chairo rakashaikwa mwana wavo, Mitchel Zhanje, asi maiva munaChivabvu.

Mitchel panguva yaakashaikwa iyi anonzi aigara kumasango ekuZengeza 5, kuChitungwiza uko airapwa chirwere chekurasika njere nen’anga yavanoti inongonzi “Sekuru Mhofu”.

Mai Chanakira vanoti kubvira zvashaikwa Mitchel, havana zororo sezvo vari kungomutsvaga uye vanongonzwa nerunyerekupe kuti akamboonekwa kuWaterfalls, muHarare asi havana chokwadi nazvo.

“Kushaikwa kwemwana wangu kuri kundishungurudza zvakanyanya, ndinoziva kuti kwaari ari kurarama upenyu hwakaomarara. Ndapota kune vanenge vamuona ndibatsireiwo,” vakadaro Mai Chanakira.

Mai Chanakira vanoti Mitchel anoziva zita rake rakazara uye vanomuona kana kufungidzira kuti ndiye ngavasununguke kumubvunza zita rake.

Vanoti Mitchel akazvarwa asina dambudziko rekurwara nepfungwa asi zvakazouya makore mashanu anodarika.

“Kwese kwandinofamba ndinoudzwa kuti mwana wangu akagadzirwa nevekwababa vake (zita tinaro). Hazvina mhosva, dai ndangowana paari,” vakadaro Mai Chanakira. Vanoti nyaya yekutsakatika kwemwana wavo vakaimhan’ara kumapurisa.

Zvisinei, Sekuru Mhofu, avo vanoitira basa ravo kumasango ekuZengeza 5, vakati nyaya iyi iri kuvashaisa zano sezvo vasina ruzivo rwekuti Mitchel akaendepi.

Vanoti dambudziko raiva nemukomana uyu rainge rava kuratidza kunge ronopera asi musi waazotsakatika rakangomubata ndokuverera. N’anga iyi inoti mudzimu wenjuzu unosvika pairi wakamuudza kuti Mitchel achawanikwa.

Sekuru Mhofu vanoti havabhadharise mari zhinji kunze kweUSD$10 yekubvunzira mudzimu, zvisinei nekuti Mai Chanakira vanoti kusvika pari zvino vabvisa mari inodarika $200 yekutenga doro rechirungu, fodya, mbudzi nehwai pamwe $160 yavakabvisa pakutanga.

Musi wakashaikwa Mitchel anonzi ainge akapfeka chikabudura cheruvara rweblue nemitsetse michena parutivi nehembe ine ruvara rwebrown.

“Ndiri kutoshaya kuti aripi, handina mufaro nekuda kwenyaya iyi asi miteuro pamwe nezvinosvika pandiri zviri kundiudza kuti achawanikwa. Ndikagara-gara ndinotombobuda ndichinomutsvaga mwana uyu,” vakadaro Sekuru Mhofu.

“Handina mabhizimisi ekuti ndinganzi ndaida kuita zvekuromba asi mwana uyu anongori murwere saka kunyangwe vanhu vakada kusimudza mhepo hapana chingandivhundutse nekuti ndinoziva kuti hazvina maturo.”

Sekuru Mhofu vanoti inhengo yesangano reZinatha uye vava nemakore angangosvika mashanu vachiita basa iri.

Share This:

Sponsored Links