Uncategorized

Mwana akawanikwa akafira mumvura

16 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Mwana akawanikwa akafira mumvura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMidlands vari kuferefeta nyaya mbiri dzekufa kwevanhu – yemwana ane mutumbi wakawanikwa wakayangarara pamusoro pemvura neyemurume anofungidzira kuti akapondwa.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu iri, vanoti munyaya yekutanga iyo yakaitika nemusi wa10 Gumiguru kuMkoba 6, kuGweru, mutumbi wemwana mukomana wemakore masere okuberekwa wakawanikwa wakayangarara muduhwino rizere mvura.

“Nemusi wa10 Gumiguru nenguva dza12 masikati, murume anonzi Edmore Mudamburi (56) akaona mutumbi wemwana uyu wakayangarara mumvura usina kupfeka. Murume uyu anonzi akanga achangotanga basa panzvimbo yaanoshandira semurindi iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kuMkoba Police Station zvikaonekwa kuti yakanga yambosvitswawo kumapurisa nemusi wa8 Gumiguru apo mushakabvu uyu ainzi akanga ashaikwa pamba nevabereki vake.

“Mutumbi wemwana uyu wakazoendeswa kuchipatara cheGweru kunoongororwa. Tinokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuona kuti vakavachengetedza nguva dzose panzvimbo dzavanenge vachitambira,” vanodaro Insp Mahoko.
Munyaya yechipiri, mapurisa ekuKwekwe ari kuferefeta nyaya yemurume wemakore makumi manomwe ekuberekwa akanofira kuchipatara cheKwekwe mushure mekunge atakurwa aine ronda guru apo akawanikwa akafenda mumugwagwa.
Nyaya iyi inonzi yakaitika nemusi wa9 Gumiguru kuMbizo, kuKwekwe.

Murume uyu ainzi Dan Chikowoof wekuMbizo 16 akanhongwa mumugwagwa pedyo nepamba pake akafenda, aine ronda guru kugotsi zvinoratidza kuti akaita zvekutemwa nechombo chakatesva.

“Murume uyu akasvika kuchipatara uko akanofira achirapwa. Pane fungidziro huru yekuti anogona kunge akafa nekupondwa. Nyaya iyi iri kuferefetwa kuchitsvagwa chaizvo zvakaitika nekuti kubatwe vangangodaro vakapara mhosva iyi.
“Tinoti kune vane zvavanoziva ngavazivise mapurisa epakamba yekuKwekwe kana vamwe vari pedyo navo kanawo kushandisa masuggestion boxes emapurisa akatekeshera nenyika,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vanoda kubatsira pamusoro penyaya mbiri idzi vanokwanisa kuridza nhare dzinoti 05422073 kana 0778 069 322.
Insp Mahoko vanoti nyaya dzekupondana dziri kuwanda kuMidlands uye ndokuyambira vanhu kuti vasafambe nguva dzehusiku kana kushandisa migwagwa yekudambudzira yemusango sezvo zvichipa mikana kumhondi.

Share This:

Sponsored Links