Mwana akayamwa chitunha

19 Sep, 2022 - 13:09 0 Views
Mwana akayamwa chitunha Interpol

Kwayedza

Simba Jemwa

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) – vachishanda pamwe chete neboka remapurisa epasi rose reInternational Criminal Police Organisation (Interpol) – vari kutsvaga vanhu vasere avo vakapara mhosva dzakasiyana apo vana (4) vavo vari kupomerwa humhondi, kupamba nehuwori.

Vasere ava vari pakati pevanhu 7 443 vari kutsvagwa neInterpol pasi rose.

Vanosanganisira Moreblessing Mavuso (47) wekuBulawayo uyo ari kutsvagwa nemhosva yehuwori, Miriam Bwanali (41) nemhosva yekupamba, Bornface Madumusa (35) wekuGokwe ane mhosva yekuponda, Xolani Dube (27) wekuTjitji kuMangwe naTumelo Moyo (27) wekuGwanda (uyo akatiza muhusungwa), Andrew Ndlovu (31) wekuGweru ane mhosva yekuba achishandisa zvombo, Travor Manata (43) wekuHwedza (humhondi) naTanaka Rusike (34) wekuGweru ane mhosva yekuponda zvekare.

Mumwe aimbova muuto pa5 Infantry Brigade kuKwekwe, Madunusa, anonzi akauraya mudzimai wake aive nemakore 28 ekuberekwa – Eunice Marimbire – apo akamudzipa pahuro netambo achimupomerwa mhosva yekusavimbika muwanano.

Rusike akatanga kutsvagwa kubva mugore ra2017. Anonzi akauraya mudzimai wake achibva asiya kacheche kavo kaive nemwedzi mitanhatu yekuberekwa kachiyamwa pamazamu raamai apo vainge vatotandadza nechekare.
Dube naTumelo Moyo vari kutsvagwa nemhosva yekutiza muhusungwa kuBotswana apo Andrew Ndlovu ari kudiwa nemhosva yekupaza imba ndokuba achishandisa zvombo uye humhondi.

Bwanali, uyo anobva kuMakonde kudunhu reMashonaland West, akatiza munyika muno mugore ra2020 uye ane mhosva yekupamba mwana paMontagu Spar muHarare mushure mekupa amai vemwana uyu US$42 nepaketi remapamba apo akazovanyengetedza kuti vapinde mumutsetse wekutenga zvinhu achiti anovabhadharira.
Amai vemwana uyu pavakapinda mumutsetse, asi vava kusvika patiri (till), Bwanali akatanga kufamba zvishoma nezvishoma achibuda kunze kwechitoro achibva atiza nemwana.

Mwana uyu akazowanikwa kwaMurombedzi zvikaita kuti Bwanali asungwe pamwe chete nemurume wake Gift Chemhuru uyo akanga ari kutsvagwa zvekare nemhosva dzekuba nedzimwe dzine chekuita nezvemotokari.

Zvisinei, Bwanali akakwanisa kutiza panguva iyo aitsvagwa nemapurisa achibva abira mhiri kwenyika kuSouth Africa uye ane dzimwe mhosva mbiri dzaari kupomerwa dzekuba vamwe vana vaviri, vanoti musikana nemukomana avo vakazowanikwa kwaMutoko uko akanga aenda kunovachengetesa pane mumwe musha.

Share This:

Sponsored Links