Mwana akazvarwa asina makumbo, mawoko

26 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
Mwana akazvarwa asina makumbo, mawoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara mumusha weBudiriro 5, muHarare iri kutsvaga rubatsiro rwemwana akaberekwa asina makumbo nemawoko.

Mwana uyu ari kuda mawoko nemakumbo ekuisira pamwe chete newiricheya.
Mwanasikana uyu akaberekwa nemusi wa18 Zvita 2021 uye akazvarirwa kumba sezvo amai vake vachiti kuzvipatara vaidzoserwa kumba nekuda kwedenda reCovid-19.

Mai Merjury Muzhanje (31) vanoti mwana wavo uyu ndewechina uye havana kuwana mukana wekunyoresa pamuviri apa kusvikira pakusununguka vari kumba.

“Yaiva nguva yeCovid-19 saka ndaiti ndikaenda kuchipatara ndonzi kadumbu kenyu kadiki chimbodzokerai kumba. Kana kunyoresa handina, kureva kuti hapana chiremba akambonditarisa kusvikira ndasununguka.

“Ndazvarira kumba, ndakazonosungwa rukuvhute kukiriniki yeMufakose ndokuzodarikidzwa kuchipatara cheSally Mugabe (Central Hospital) uko ndakanzi mwana aiva asina dambudziko kunze kwekushaya makumbo nemawoko chete,” vanodaro.

Mai Muzhanje vanoti mwana uyu anodya nekuzvibatsira zvakanaka.

“Mwana chipo chinobva kunaMwari saka ndakamutambira akadaro. Linda Simwanza ava nemwedzi 9 yekuberekwa, angadai ava kukambaira asi sezvo asina mawoko haazvikwanise. Changu kugara ndakamubereka uye kune zvakawanda zvinotaurwa nevanhu vachindiseka.”

Vanoti sezvo vachichera mvura kuchibhorani kuBudiriro, vave kutozeza kuenda paruzhinji nekutya kutariswa nekusekwa nevanhu.

Mai Muzhanje vanoti vakamboenda nemwana uyu kumusha kwavo kuHurungwe vakanounganirwa nevanhu vaida kuona hurema hwake.

“Ndinoda kubatsirwa nemakumbo nemawoko ekuisira emwana uyu kuti akwanise kuonekera sevamwe,” vanodaro.

Mai Muzhanje vanoti vakamboenda kumasangano anobatsira vana vakaremara asi kusvika pari zvino havasati vawana rubatsiro. Murume wavo, VaRobson Simwanza (34), vanoti mwana wavo vakangomutambira sevamwe vana zvisinei kuti haana mawoko nemakumbo.

“Mwana uyu anogara akaiswa mudhishi akaputirwa nemachira nemagumbeze kuti akwanise kugara. Akangwara chaizvo uye haana rimwe dambudziko.

“Tinongoda kubatsirwa nemawoko nemakumbo uyewo newiricheya. Ini semunhu asingashande, ndaimbobatsirwa nemudzimai kuita mabasa emawoko zvino nekuda kwemwana uyu, havachakwanisa kunoshanda mamwe mabasa sezvavaisiita kare,” vanodaro VaSimwanza.
Vanoyambira veruzhinji kuti vavaseke vane hurema sezvo vakuru vachiti seka urema wafa.
“Kune vanoda kutibatsira vanotibata panhare dzinoti 0776 921 502.”

VaSimwanza vanoti sezvo vachiroja, vamwe vana vavo vatatu vanogara kumusha kwavo kuHurungwe naambuya vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey