Mwana ane ‘mamhepo’ orova mudzimai wababa

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa
MUMWE mudzimai akazvuvira mwana wemurume wake, uyo anonzi ane mamhepo, kudare achiti anogara achimurova nekuda kwekuti haazi amai vake vekumutumbura.
Sekai Dhaka akamhan’arira Admire Foya kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro. Mutongi Noah Gwatidzo akapa Dhaka gwaro rinomudzivirira.
Dhaka anoti Foya anogara achimurova nekumushungurudza.
“Uyu mwana wemurume wangu asi ndashunguridzika nehunhu hwake. Anouya kumba achindirwisa nekunditukirira. Ndikamubvunza kuti sei achizviita anoti nekuti handisi amai vake.
“Ndakambomusungisa asi akaburitswa mujeri. Baba vake ndivo vakaita kuti aburitswe vachiti ane mamhepo saka vachamunamatira kuti agopera,” anodaro Dhaka. Anoenderera mberi achiti, “Chikumbiro changu ndechekuti asauye kumba nekuti anogara kumashopu kwaanoshanda uye kuti dai dare randibetsera aregera kundirova.”
Foya anoti Dhaka ndiye anomudenha.
“Ava mukadzi wababa asi handivashungurudze. Takamborwa vakandisungisa takaenda kudare ndakanzi ndiende kumba nekuti ndainge ndisina mhosva.
“Handina dambudziko nekusasvika kumba asi ndinoda kutora property yangu. Ivo mhamha ndivo vane pamuromo, izvezvi vakaisa huku nehuni muroom mangu,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>