Uncategorized

Mwana ane sikarudzi mbiri

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Mwana ane sikarudzi mbiri

Kwayedza

MWANA ane makore mana okuberekwa wekuMuzarabani, kuMashonaland Central, ane dambudziko rekubarwa aine nhengo dzesikarudzi mbiri – yechikadzi neyechirume.Mwana uyu – uyo watichangodoma saTendai kuitira kumuchengetedza – ari kurerwa naambuya, amai vababa vake uye akazvarwa aine nhengo mbiri.

Yechikadzi ndiyo yaanoshandisa pakurasa mvura.

Ambuya vaTendai vanoti ongororo yakaitwa namachiremba inoratidza kuti muzukuru wavo ane chibereko, kureva kuti munhukadzi.

“Mwana uyu akazvarwa aine hurema hwakavandika, nanhasi anahwo. Takafamba kuchechi kwandainamata yeHabakkuk First Apostolic vakati hurema uhwu ndehwekuzvarwa nahwo,” vanodaro ambuya ava.

Vanoti Tendai vakaita wekuramwirwa naamai vake ari chindumurwa apo mukadzi uyu akamitiswa nemwanakomana wavo.

“Tendai mwana wemwanakomana wangu uyo wandinogara naye. Akaita zvekumitiswa asi musikana wacho haana kuda kugara nemwana wangu, akatiza achinogara nehanzvadzi yake kuHarare. Aivigiridza mimba yacho.

“Hama dzake dzakatozoziva kuti abatsirwa nemwana apo vakamuendesa kuchipatara achiti anorwara nemusoro,” vanodaro ambuya vaTendai.

Vanoenderera mberi vachiti, “Amai vaTendai vakazouya vakasiya mwana ave negore nemwedzi aberekwa. Akati haachakwanisa kuchengeta mwana uyu ndokubva amuramwira kwandiri.

“Ini ndakazoenda nemwana uyu kumba kwakaberekwa amai vake ndichinovatsanangurira kuti ndizvo zvaitika, muzukuru wenyu ari kuno ndamusiirwa nekuvaudza dambudziko rekuti ane sikarudzi mbiri.”

Ambuya ava vanoti vanoshamiswa nemaitiro aamai vaTendai– munhukadzi asina kubatikana nehurema hune mwana wake.

“Chakandishungurudza ndechekuti iye nevabereki vake havaratidze kubatikana nehurema hune mwana. Pamusoro pezvo, ambuya vaTendai, kwakaberekwa amai vake, vakandiudza mashoko akandibata vachiti hurema hwemwana uyu haushamisire kana, hazvisi zvitsa uye mumusha mavo munoberekwa zvirema.

“Ini ndinofungirawo kuti uhu hushereketwa asi ndicharamba ndichichengeta muzukuru wangu,” vanodaro.

Vanoti vanomboenda nemuzukuru wavo kuchipatara, kusanganisira kuHarare Central Hospital neParirenyatwa Group of Hospitals, asi dambudziko ravo kushaya mari inodiwa kuti mwana uyu abatsirwe.

“Kuzvipatara tatenderera nemwana uyu. Asi chiri kudiwa imari inosvika $500 kuti muzukuru wangu abatsirwe.

“Pandapedzisira kuenda kuParirenyatwa machiremba vakamuona vanoti nhengo yechisikana ndiyo inoshanda uye ane chibereko. Zvakare, nhengo yake yechirume haisi kukura kubva pakuzvarwa.

“Ini nekumutarisawo, ndaona kuti sikarudzi yechikadzi ndiyo inoshanda nekuti kuchimbuzi kana achiita weti anoshandisa iyoyo. Machiremba vanoti nhengo yechirume inoda kuvhenekwa kuti vaone kwainotangira zvinova zvinovabatsira kuti vaone mudzi wayo, voibvise.”

Ambuya vaTendai vanoti muzukuru wavo ane dambudziko pakudya, anogona kurutsa achangobva mukudya.

“Asi chimwe chinondishamisa pamwana uyu ndechekuti haadye nyama, nguva zhinji anorutsa achiti mudumbu make munorwadza nechepaguvhu. Zvakare, anotambura nekusvotwa izvo zvinoita kuti atadze kudya zvakanaka,” vanodaro.

Vanoti vanoda rubatsiro rwekuti muzukuru wavo abatsirwe kuchipatara.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey