Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weRetreat, kuWaterfalls, muguta reHarare, inoti yaita dambudziko remwana asvitsa gore achingofuma akagerwa vhudzi rekugotsi nezvinhu zvisingaonekwi uyewo mumwe wacho anoita mazuva asina kurara.
Dambudziko iri rakatarisana naMai Memory Hambure (31), avo vanoti kumusha vanobva kwaOdzi, kwaMutare, uko vakabva mushure mekunge vabereki vavo vose vashaika.
“Tine dambudziko remwana anogerwa vhudzi kugotsi musoro husiku tozongofuma tichiona vhudzi asisina paarere zvakare pasina. Dambudziko iri rakatanga gore rakapera tichigarawo kumwe kwakasiyana nekwatava kugara izvozvi. Nguva yakatanga kugerwa mukuru wacho ane makore matanhatu mudiki wacho vose vakomana akatangawo kurega kurara zvekuti anogona kuita mazuva matatu akangosvinura, kureva kuti ini saamai vake handitorara nekusvinura kwake uku,” vanodaro Mai Hambure.
Vanoti nekuda kwemwana anogerwa vhudzi husiku nemumwe wacho asingakotsire, vatambura nekufamba kumaporofita nekudzin’anga vachitsvaga kubatsirwa.
“Kune uye anogara achigerwa musoro ndinopihwa mafuta nemishonga yechirungu neechivanhu nemvura dzemiteuro dzekuzora zvava kuita nani, uyewo nekutyira kuti mwana wangu handizive kuti vhudzi rake rinoendeswa kupi. Ndava kuita kuti agare akagerwa zuda, mudiki wacho ane makore matatu haagone kutaura kana kumira chaiko haanyatsogona zvinonzi vana vangu vari kushandiswa nevaroyi,” vanodaro.
Mai Hambure vanoti mudiki wacho haakotsire uyewo anovhunduka husiku hwese achiratidza kuti pane zvinhu zvaanoona mumaziso ake.
“Mudiki uyu unomuona achiita zvekushinyira akayeva mudenga nedzimwe nzvimbo muviri wake wakaoma. Semunhu asingagone kutaura, hauzive zvaanoona, dzimwe nguva anouchira zvinoita munhu achipihwa zvinhu otanga kudya kuita seanokwachura nyama kana kudya zvimwe zvinhu.
“Dzimwe nguva anokweva maoko ake achiita seanoputa bute, zvaanoita zvinhu zvinoitwa nevanhu vakuru, kumwe tinonzi vana vari kushandiswa nezvikwambo,” vanodaro Mai Hambure.
Vanoti vana vavo vose vaviri ava, wemakore matanhatu newe makore maviri, avo vananababa vavo vakasiyana, utano hwavo hwakanaka kunze chete kwekugerwa vhudzi nekusarara kwemudiki uyewo nemasaramusi aanoita ekuita seanotambidzwa kudya otanga kukwachura zvinhu zvisingaonekwi.
“Kumwe kwatinoenda ndinonzi mwana uyu ari kupihwa nyama yevanhu vakafa iyo anodyiswa munguva yehusiku nevaroyi. Zvinonziwo vana vangu vanonanzvwa nenyoka husiku asi nyoka yacho handiione.”
Mudzimai uyu ane vana manyambiri nemumwe murume vaanoti utano hwavo hwakanaka avo vasviotsa mwedzi misere yekuberekwa.
Mai Melody Hambure (34), vanova mukoma waMai Memory Hambure, vanoti dambudziko remhuri yemunin’ina wavo ravanetsa semhuri.
“Munin’ina wangu ashaya rugare nevana vake vaviri, mumwe anongofuma akagerwa vhudzi rozoramba kumera nemumwewo asingakotsire. Munin’ina wangu anotorara masikati, tinotsvaga kubatsirwa nekuda kwedambudziko iri,” vanodaro Mai Melody Hambure.
Mudzimai uyu akatanga kusvimha misodzi apo aitsanangura nyaya yemunin’ina wake.
“Vabereki vedu vose vakashaika saka kwekuchemera hatina. Takaberekwa tichingova vatatu isu nehanzvadzi yedu imwe chete, takatotama kumusha kwedu nekuda kwematambudziko akasiyana uye muno muHarare tirimaroja. Vana vanonzi vanonanzvwa nenyoka tatambura navo,” vanodaro Mai Melody Hambure.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0773 221 433.
Sekuru Kanengo VaJimson Nyasala vemuHarare, vanoti mhuri iyi ikaregererwa vanogona kupenga nekuda kwezviri kuitika izvi.
“Vhudzi rinoshandiswa zvinhu zvakawanda pakugadzira munhu kuti atadze kubudirira kana kupengesa chaiko nekumupa munyama. Uyo asingarare ari kushandiswa mabasa ehuroyi,” vanodaro sekuru Kanengo.