Uncategorized

Mwana anorova amai

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MWANAKOMANA wekutyora mutongo waakatemerwa nedare wekuti achengetedze runyararo pakati pake naamai vake ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti anopika jeri kwemwedzi misere.

Mildred Jonga (50) wepanhamba 961/2 Unit G, kuChitungwiza, akamhan’arira Andrew Tinotenda Jonga (21) uyo anova mwana wababamudiki vake kudare reChitungwiza Magistrate’s Courts achimupomera kutadza kuchengetedza runyararo pakati pavo semutongo wakange watemwa nedare kare.

Mutongi Tendai Mutamba akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere achipa zvikonzero zvekuti munhu asingagadzirike zvisinei nekuti akamboendeswa kudare akapihwa magwaro ekuti achengetedze runyararo.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa5 Chikunguru munguva dzemasikati, Andrew akatyora chirango chekuchengetedza runyararo pakati pake naamai vake icho akatemerwa nedare rimwe chete iri mugore ra2017 apo akanzi asafurufushe mumhan’ari zvinova zviri mugwaro rine nhamba dzinoti PR 278/17.

Andrew akashungurudza amai vake kuburikidza nekungoreva mari kwavari zvisina tsarukano uye nenzira isina ruremekedzo.

Akapara mhosva iyi pamberi pevafakazi vanoti Martin Munaku naCathrine Pamhidza.

“Andrew akauya achireva mari nenzira isina ruremekedzo izvo zvakaita kuti Mildred anomuvhurisira dhoketi,” anodaro muchuchisi Katonha.

Zvisinei nekuti Andrew anoramba mhosva iyi achiti amai vake ava vane donzvo rekuti abve pamba adzokere kwaaigara, dare rakamubata nemhosva.

Akatongwa pasi pechikamu chemutemo weSection 10(7) of the Code Contempt of Court Chapter 9:23.

Share This:

Sponsored Links