Mwana anozvongonyoka senyoka

03 Sep, 2024 - 12:09 0 Views
Mwana anozvongonyoka senyoka Mwana anonzi ari kusvikirwa neshave

. . . achichema sebere, achinzi akapihwa shavi

Kingstone Mapupu

MWANA musikana ane makore gumi nemana okuberekwa wepane rimwe purazi riri kwaMambo Chinhamora, kuGoromonzi, ari kubuda pachena kuti akapinzwa mune zveSatanisim nemabasa ehuroyi nevamwe vana vekuchikoro chaanopinda.

Zvino dambudziko iri rinonzi rave kunetsa kuripedza.

Mwana uyu, uyo watisingagoni kuburitsa zita rake kuitira kumuchengetedza pamutemo uye ari kuita Grade 7, ave kutadza kuenderera mberi nechikoro nekuda kwemweya inosvika paari achipunzika uye ichitaura kuti ndiyo inomushandisa kuita zvehuroyi.

Mwana uyu anoti paaiva kuchikoro, kune mumwe munhukadzi akauya akamubata musoro vamwe vana vachibva vamuunganira vakamubata musoro zvakare apo paanoti ndipo paakapihwa shavi rehuroyi.

“Ndaiva kuchikoro apo mumwe munhu wandisina kuziva mukuru uye wechidzimai akauya ndokundibata musoro nemaoko ose. Kwakazouya vamwe vana vakawanda ndokubatsirana nemudzimai uyu kundibata musoro, ipapo ndakabva ndatanga kuona zvinhu zvakasiyana kusanganisira nyoka dzinokandwa kwandiri, dzimwe dzichiiswa mudumbu mangu nekumutswa husiku tichienda kunoroya nevamwe,” anodaro musikana uyu.

Anoti anoona vanhu vachiuya kwaari vomukanda nyoka kana kuiswa mudumbu obva atotanga kuita mabasa ehuroyi.

“Vamwe vangu varoyi ava vanouya kumba kwedu husiku kuma9 tichinoita mabasa edu. Tinoungana panhandare yemukomboni iyi tozodzoka kudzimba mangwanani kunze kwava kuedza tosvikopinda mudzimba pasina kuvhura madhoo. Kwatinoenda ikoko kunosvikobikwa kudya kwakaita sesadza nemupunga nenyama isu todya tichidzikisira nezvinwiwa zvitsvuku.

“Tinoungana vanhu vanodarika kana 50, tozobva ipapo tichikwira rusero nenyoka hombe inotakura vanhu 20 tichienda kunoroya,” anodaro musikana uyu.

Anoti dzimwe nguva vanoiswa muzvikwata, vamwe vokwira murusero, vamwewo voita mudungwe kukwira pamusana penyoka hombe, voenda kwavanoda.

“Tinogona kuenda kuMozambique nekumwe kure muno nekunze tichidzoka kumba kuma4 kunze kwakuedza ndosvikopinda mumba. Amai havambozviona kuti handimo mumba kana kuti ndadzoka sezvo mumvuri wangu unenge urimo mumba imomo,” anodaro mwana uyu.

Anoti pane dzimwe nguva dzaasingazive zvinenge zvichiitika.

Mbuya vemwana

Ambuya vemwana uyu avo vane makore 51 okuberekwa vanoti anobatwa nemweya unouya sezvipuka kusanganisira makava, mazizi, imbwa, nyoka, katsi nemapere uye achiguma ava kuchema semhuka idzi.

“Musikana uyu anobatwa neshavi renyoka ototanga kushita senyoka achizvonyongoka nekuburitsa rurimi sezvinoita nyoka. Anochemawo sebere kana abatwa nemweya,” vanodaro.

Amai vemwana uyu vanoti vatambura nekuda kweshavi rinomubata.

“Dambudziko iri rakatanga mwana uyu ari kuchikoro kuno apo aiva shasha chaiyo. Zvatanga zvekubatwa nemweya uyu, takafamba zvikanzi kune vanhu vakatora pfungwa dzake kudziita dzevana vavo kuti vagone kuchikoro. Ane mazita aanotaura evanhu vatinogara navo kuti ndivo vaanobuda kunoroya navo, uye izvozvi haachagona semagonero aaiita kare kuchikoro,” vanodaro amai vacho.

Vanoti vatambura nekufamba nemwana wavo vachitsvaga kubatsirwa.

“Mwana uyu ari kubuda pachena kuti akazopinzawo vamwe vana vepamba pedu muhuroyi vanoti wavatete vangu musikana ane makore 14 nevamwewo vehukama. Izvi zvinotaurwa nemweya inosvika paari kureva kuti vasvika vana 4, mumwe wevasikana vacho ava kungogara achirwara nekupera simba,” vanodaro amai ava.

Vakataura vachisvhimha misodzi kuchema pamberi peKwayedza uye vanoti vakarambana nababa vemwana uyu.

“Mweya inobata pamwana uyu yakataura kuti ndiyo yakaburitsisa baba vacho basa pasina mhosva yavakapara. Mwana uyu anotaura zvinhu zvinozoitika achitungamirirwa nemweya iyi,” vanodaro.

Vanokumbira kuti veruzhinji vavabatsirewo padambudziko rakatarisana nemwana uyu nevamwe vacho vatatu.

Nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Kadzuramera, vanoti pane zvihombe zviri pamwana uyu zvinoda kubviswa.

“Mwana uyu anobatwa nemashavi kusanganisira renyoka, ndosaka achifamba senyoka. Anokwanisa kubatsirwa pamwe chete nevamwe vana vatatu vemumhuri iyi vave kuroya pamwe chete naye, asi zvinopera,” vanodaro Sekuru Kadzuramera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey

×

ZTN Feedback Survey

ZTN

Scan the QR code on the poster or click the link below to share your thoughts.

Take Survey