Uncategorized

Mwana aponda amai, ndokunwa ropa

11 Aug, 2022 - 18:08 0 Views
Mwana aponda amai, ndokunwa ropa Regis Ruza

Kwayedza

Fungai Lupande ari kuBINDURA

REGIS Ruza (19) wekunzi nevagari vemunzvimbo yeSection 7 kuTrojan Mine, kuBindura “mwana akapfava uye akanyarara” akashanduka kuita chikara nemusi weChitatu nenguva dza2 masikati apo akauraya amai vake mushure mekuvatema mumusoro nesimbi, ndokuzonwa ropa ravo pamwe chete nekudya imwe nyama yemuviri wavo.

Mukomana uyu akazonofira kujeri reBindura Prison mushure mekunge azvicheka-cheka nebanga.
Anonzi akatanga kuita zvisinganzwisisike mangwanani, ndokumirira kuti murume anoita basa rekugadzira zvitofu abude pamba pavo asati aponda amai vake.

Apo mutumbi waamai vake – Mai Dorcas Chigudhu (55) – avo vainyanyozivikanwa nezita rekuti Madzimai Dorcas, vaive pavheranda uye vasisapfakanyike ropa richibuda nemunzeve, Regis akazvambarara pamusoro pavo, ndokutanga kusveta ropa raibuda.

Chiso chake chainge chave kuita zvisinganzwisisike apo airwerwa rute.

Insp Milton Mundembe

“Apapo aiita seagarwa nemweya wetsvina,” vanodaro Mai Agness Dzidzi avo vakamhanyira pamba apa mushure mekunzwa mhere-mhere yezwi raideedza zita ravo nepasi-pasi.

Mai Dzidzi vanoti vakamira pakati pemasitepisi anoenda kuimba iyi apo vakavhunduka vachiona chiitiko chinotyisa ichi. Vanoti vakamira vakatarisana naRegis uyo ainge akabata simbi.

“Ndakamubvunza kuti chii chainge chapinda maari asi haana kupindura. Mukomana uyu ndinomuziva semwana akanaka, aisava neshamwari dzakaipa uye aipedza nguva yakawanda ari pamba pavo,” vanodaro.

Vasina kupfeka shangu uye muzukuru wavo ari kumusana, Mai Dzidzi vanoti vakamhanyira parodhibhuroko iri pedyo nemugwagwa weTrojan, chinhambwe kubva panzvimbo iyi, kunozivisa mapurisa.

Vakakwanisa kudzoka nemumwe mupurisa asi akaita madududu achisuduruka panzvimbo iyi mushure mekunge Regis auya kwaari akabata simbi.

Zvisinei, mamwe mapurisa akazouya ndokuridzira pfuti mudenga zvikaita kuti Regis asungwe.
“Madzimai Dorcas vakange vatononoka kuwana rubatsiro uye mashoko avo ekupedzisira kwandiri vakati, ‘Amai Anna, ndaenda iwe hausisina shamwari,’” vanodaro.

“Handina kukwanisa kupindura kana kuchema. Mamiriro ezvinhu akandikurira. Ndakabuda panze ndokubvunza mumwe mupurisa kuti zvinhu zvakamira sei achibva andipa mucherechedzo wekuti pakange pasisina upenyu.
“Mumwe chiremba akauya, pave paya ndikamubvunza zvakare asi akatadza kupindura ndikaona kuti akanga ave kuda kutochemawo.”

Madzimai Dorcas vanotsanangurwa semukadzi aive akanyarara uye vari nhengo yeJohane Masowe eNguwo Chena.
“Vaibuda ropa munzeve mwana wavo ndokurara pamusoro pavo akatanga kusveta ropa iroro. Takashamisika,” vanodaro.

“Akazoshandisa banga kupedzisa kuuraya amai vake asati acheka zvidimbu zvenyama ndokudya. Imwe nyama akaisa mupoto.”

Regisi akazozvicheka paruwoko nebanga ndokubuda ropa zvakawandisa uye anonzi akati zvose izvi aizviita kuburikidza nekuwirirana nevamwe vake vakangozivikanwa saBrighton naMusa.

Anonzi akataurawo kuti vamwe vake vakadya musoro waamai vake nematumbu iye achinwa ropa.
Mai Dzidzi vanoti Regis anga achigara nevabereki vake zvakanaka uye havana kumbomuona achitora zvinodhaka kana kunwa doro.

Hanzvadzi yake inonzi iri kuratidzawo zviratidzo zvekubatwa nemweya wetsvina.
VaBernard Chaima, avo vakashevedzwa kuti vagadzirise chitofu, vanoti vakasvika kuma9 dzemangwanani ndokuona kuti Regis aitaridza hunhu husinganzwisisike.

“Amai vake ndakavabvunza kuti chii chiri kuitika pamukomana uyu vakati vakamirira kuti baba vake vadzoke vagoenda kumaporofita,” vanodaro.

“Ndakasiya Regis achidya chikafu ndikaenda kunotsvaga maturusi. Apa ndipo paakarwisa amai vake. Akanga ane simba rakawandisa uye vanhu vakatadza kumudzora.

“Ndakamuperekedza kuchipatara cheBindura nekuti akange acheka tsinga dzeropa paruwoko rwake rwerudyi.”
VaChaima vanoti Regis akazoendeswa kuchitokisi uko akadonha nenguva dza8pm achibva afa.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti vanofungidzira kuti Regis akange akadhakwa nezvisingatenderwe mumuviri.

Vanoti Madzimai Dorcas vaive pamba pavo nemwanakomana wavo uyu nevazukuru vaviri vane makore masere newemakore mashanu ekuberekwa.

“Vakapa mupomerwi nevana vaviri chikafu muimba yekudyira apo Regis akatora banga achida kuvabaya,” vanodaro Insp Mundembe.

“Pakave nekukakavadzana kwakaitika pakati pavo uye vana vaviri vaivepo vakatiza vachishevedzera rubatsiro,” vanodaro Insp Mundembe.
Honest Mujati, uyo aive pedyo, anonzi akabva angomhanya ndokuona Regis achirwisa Madzimai Dorcas pavheranda remba.

Pakasvika mapurisa panzvimbo iyi, Regis anonzi akanga azvivharira muchimbuzi kuseri kwemba achikarara pamwe nekuwomba zvikuru.
Mapurisa akaongorora mutumbi waMadzimai Dorcas ndokuona kuti waive neronda rekubaiwa nebanga kuseri kwechidya chekuruboshwe.

Mutumbi uyu waibuda ropa mumhuno nemumuromo. Banga raive neropa rakawanikwa riri pakati pemakumbo apo pani yaive neropa yaive pedyo nemusoro wavo.

Insp Mundembe vanoti Regis akazosungwa achibva avharirwa muchitokisi.
Kuma8 manheru, anonzi akaonekwa akafenda achibva amhanyiswa kuchipatara cheBindura uko akanofira achisvika.

Insp Mundembe vanokurudzira veruzhinji kuti vashande pamwe chete nemapurisa mukupedza dambudziko rekutorwa kwezvinodhaka zvisingatenderwe mumuviri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey