‘Mwana haadzingwe chikoro, haashaiswe nzvimbo’

20 Feb, 2022 - 15:02 0 Views
‘Mwana haadzingwe chikoro, haashaiswe nzvimbo’ VaCloud Nyambuya

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

ZVIKORO hazvitenderwi kudzinga vana vanenge vasina kubhadharirwa mari, vasina magwaro ekuzvarwa kana kuvashaisa nzvimbo zvichinzi dzazara.

Mashoko aya ataurwa nemutevedzeri wemukuru wezvedzidzo mudunhu reHarare Metropolitan Province, VaCloud Nyambuya, pamusangano wavaita nevakuru vezvikoro zvekuChitungwiza.

“Vakuru vezvikoro munofanira kugara muchiona kuti pazvikoro zvenyu pari kuitwa zvinhu nemazvo nekuti kukanganisika kwechikoro kana kwevarairidzi, zvose zvinouya mumaoko emukuru wechikoro. Naizvozvo, munokurudzirwa kuona kuti vadzidzisi vari kuita basa ravo nemazvo vachitevedza mirawo nemitemo yebasa.

“Varairidzi nevakuru vezvikoro havatenderwe kuita huwori sekuti vamwe vana vanowaniswa nzvimbo dzechikoro vamwe vachishaiswa,” vanodaro VaNyambuya.

Vanoti vakuru vezvikoro vanofanirwa kuziva kuti hakuna mwana wechikoro anodzorerwa kumba achinzi haana kubhadharirwa mari.

“Nyaya yekubhadharwa kwemari yechikoro ine chekuita nemubereki kwete mwana wechikoro. Kudzidza ikodzero yemwana woga-woga ane zera rekuenda kuchikoro. Naizvozvo mwana wose anoenda kuchikoro haafanire kudzorerwa kumba nekuti haana kubhadharirwa mari yechikoro.

“Chikoro chinofanira kuita hurongwa nemubereki kuti obhadhara sei mari yacho muzvidimbu, mwana achienda kuchikoro,” vanodaro.

VaNyambuya vanoenderera mberi vachiti, “Vakuru vezvikoro munofanirwa kuziva zvakare kuti vana vechikoro vari kutsvaga nzvimbo kekutanga havashaiswe nzvimbo. Kune zvimwe zvikoro zvinodzosera vana zvichiti zvazara. Mutemo webazi redu unoti chikoro chinofanira kuwedzera nzvimbo kana makamuri ekudzidzira kuti vana vakwane pane kuti vadzorerwe kudzimba.

“Uku kunenge kwava kutyora kodzero yemwana yekuti awaniswe dzidzo panguva yake yekuenda kuchikoro.”

Vanoti zvakare zvikoro hazvitenderwe kuramba kutambira vana vasina magwaro ekuzvarwa nekuti vamwe vanenge vaine zvikonzero zvakasiyana zvinoita kuti vasave nawo, zvimwe zvine chekuita nevabereki.

VaNyambuya vanoti vari kufara kuti gore rino chirongwa cheBEAM chiri kukwanisa kupinza vadzidzi vanosvika zviuru zana muzvikoro zvakasiyana pachena izvo zvinoratidza kuti Hurumende iri kukoshesa nyaya yedzidzo.

Share This:

Sponsored Links