Abel Ndooka
MUTAMBI wegorofu wechidiki ane makore 15 ekuberekwa – Miriam Masiya – uyo anoita zvidzidzo zvefomu two akanyora nhoroondo musi weSvondo wadarika apo akahwina mutambo weNational AIDS Council (NAC) Zimbabwe Ladies Golf Tournament.
Masiya akatanga akatungamira kubva pazuva rekutanga musi weChishanu pakatanga mutambo uyu kusvika upere musi weSvondo.
Ndiye akabva ahwina mibairo yese kumitambo yevakuru neyevechidiki.
Mutambo uyu waive nevatambi vakawanda vemuno pamwe nevamwe vakabva kunyika dzinosanganisira South Africa neZambia.
Achitaura abva mukuhwina, Masiya – uyo anotambira chikwata cheRoyal Harare Golf Club – anoti ari kutarisira kuramba achisimuka mumutambo uyu uye agonotamba mimwe mitambo mikuru yekunze kwenyika.
“Chekutanga ndinotenda Mwari nekunditungamira kwavaita kusvika ndihwine mutambo uyu. Aka kange kari kekutanga kangu kutamba mutambo uyu uye ishuviro yangu kuti ndigosvika kure mumutambo wegorofu,” akadaro Masiya.
Masiya akazvarirwa mumhuri yegorofu uye baba vake, Richard Masiya, ndivo murairidzi wake kuchiti mukoma wake Modester anotambawo gorofu.
“Ndinobva mumhuri yegorofu – baba vangu ndivo murairidzi wangu uye ndivo vakandibatsira kugadzirira mutambo uyu. Mukoma wangu anotambawo gorofu,” anodaro Miriam.
Zvakadaro, mutambo weNAC Zimbabwe Ladies Golf Tournament waive nezvirongwa zvakasiyana zvekuongororwa gomarara remuchibereko kuchiti vanhurume vaiongororwa prostate cancer.