Mwana mbavha oparira mubereki

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mwana mbavha oparira mubereki

Kwayedza

Janet Chari
MWANAKOMANA mbavha aparira amai vake avo vanoti vava kuoneswa pfumvu nemuvakidzani wavo achiti ari kubirwa mari nezvimwe zvinhu zvake. Angeline Mbonga akamhan’arira Locadia Mhashu kudare reHarare Civil Court achiti ari kumufurufusha nekuda kwekuti mwana wake anonoba kumba kwake. “Akasungisa mwana wangu nemapurisa akaendeswa kujeri, asi haazorori kuuya kumba kwangu achindinetsa,” anodaro Mbonga. Mbonga anoti ndiye akatoenda kumba kwaMhashu kunomuudza kuti aiva aona mwanakomana wake akapfeka hembe yemwana wake akatomuudza kuti aende kumapurisa.

“Anouya achipinda mumba mangu ini ndisipo oputsira midziyo zvinova zvinondishungurudza zvokuti handisisina mandiro ekudyira. Ini mwana uyu ndakatomutadza, ndokusaka ndakamuudza kuti aende kumapurisa,” anodaro Mbonga.
Anodemberera dare achiti kudai dare ramupa gwaro redziviriro uye Mhashu anofanirwa kunetsana nemwana wake, kwete iye.

“Ngaasauye kumba kwangu kana kundituka nekuda kwemwana anenge aita zvaaita kumba kwake,” anodaro Mbonga.
Mhashu anopikisana nemashoko ekuti anoenda kumba kwaMbonga achiti ndiye anotoenda kumba kwake kana akaona kuti mwana wake ane zvaaita zvisina kunaka.

“Akauya kumba kwangu kuzondiudza kuti mwana wake andibira, ndizvo zvakandipa hasha dzekuti ndimutuke,” anodaro Mhashu.

Anoti Mbonga ane zvaanoziva pamusoro pemabasa emwana wake.
“Mbonga haadi kundipa mari yangu yakabiwa nemwana wake, apa mwana wacho akabvuma kumapurisa,” anodaro Mhashu.
Mutongi Manasse Musiiwa akarasa chikumbiro chaMbonga ndokuti kana mwana achiba, anofanira kuendeswa kumapurisa orangwa nemutemo.

Share This:

Sponsored Links