Mwana murwere abara mapatya . . . apa haana mukaka

05 Jun, 2024 - 11:06 0 Views
Mwana murwere abara mapatya . . . apa haana mukaka Anna Makiyi

Kwayedza

Fungai Lupande

VANA mapatya avo vasvitsa mwedzi mishanu yekuzvarwa – Natasha naNatalia – vane huremu hwakaderera hunodarika zvishoma 2kgs nekuda kwekuti amai vavo, Anna Makiyi (18), wepapurazi rekuLuwali Farm, kuMvurwi, haasi kukwanisa kuvayamwisa sezvo asingabudi mukaka zvichikonzerwa nechirwere chemwoyo.

Machiremba anoti Anna ane chirwere chinodaidzwa kunzi Cardiomyopathy chinoitika apo makamuri emwoyo anowedzera zvichiita kuti mhasuru dzacho dzipere simba.

Chirwere ichi chinokonzera kuzvimba kwemakumbo nemudumbu nekuda kwekuwanda kwemvura mumapapu nemuchiropa.

Anna pari zvino ari mumaoko evabereki vake kuLuwali Farm uye ari kutadza kutengera mapatya ake mukaka nekuda kwehurombo.

Mamiriro ezvinhu aya akaoma zvokuti dzimwe nguva amai vaAnna, Mai Susan Rancho, vanoisa mvura mumukaka unopihwa vacheche kuti ugare mazuva akawanda.

Anna akaita pamuviri ari Form 3 paLuwali Farm, kuMvurwi.

Mai Susan Rancho

Paakaedza kutizira, ndipo paakabva aziva kuti mukomana wake akanga apa mumwe musikana pamuviri zvekare.

Vachiona mararamiro asina kunaka emwanasikana wavo pahondo yebarika, amai vake vakabva vaenda kunomutora.

“Mwana wangu akapihwa pamuviri nemurume anonzi Luckymore. Mushure mekuona kuti mwanasikana wangu ari kuomerwa nebarika, ndakabva ndafunga kumudzosa kumba,” vanodaro.

“Mumwedzi waZvita gore rakapera, Anna aine pamuviri akatanga kuzvimba ndokuzosununguka kuburikidza nekuvhiiwa nemachiremba musi wa11 Ndira.

“Murume uyu haasi kubatsira kuchengeta vana kana nemari yekurapwa. Anna paakapinda muchipatara cheMvurwi, takasangana naSister Sharon Marume vanova vakatibatsira zvakanyanya.”

Mai Rancho vanoti Anna murwere wepanhowo uye haakwanisi kugeza oga.

Sister Maruma vanoti vakabatikana naAnna nevana vake mapatya zvekusvika pakushandisa mari yavo mukutenga manapukeni nemukaka.

Sister Sharon Marume

Anna anoda mishonga yechirwere chemwoyo uye Sister Marume vakatenga mimwe yemishonga iyi nemapiritsi zvinopedza mwedzi miviri.

“Zvandiri kuitira mhuri iyi harisi basa rangu remazuva ese muchipatara, asi ndinoshaya hope ndichifunga Anna nevacheche vake. Ndakazviisa mutsoka dzake ndichifungawo kuti ko dai ari mwanasikana wangu Ropafadzo ari munyatwa iyi ndaizomusiya akadaro here,” vanodaro.

“Ndakasvika pachidanho chekutaura nemasangano akasiyana anobatsira pamusoro pedambudziko raAnna. Ndinokurudzira vamwe vangu (vanamukoti) kuti vazvininipise uye vaise varwere pamberi,” vanodaro.

Mamwe emasangano akataurwa nawo naSister Maruma kuti abatsire Anna anosanganisira Twins Association of Zimbabwe (TAZI), Centenary Area Youths Empowerment (CAYE) pamwe nenyanzvi yezvechivanhu yemunharaunda iyi Sekuru Gwangu avo zita ravo rekuberekwa vanonzi VaTichaona Mafara.

Munguva pfupi yadarika, masangano aya akaunganidza mukaka wevacheche, manapukeni, mbatya dzevana, zvekudya nemari izvo vakanopa Anna nevacheche vake.

Sekuru Gwandu

Vachitambidza zvinhu izvi, Sekuru Gwandu vanoti rubatsiro rwavo harugumiri pakupanga mazano chete, asi nekutambanudzawo maoko kana zvakakodzera.

“Mamiriro ezvinhu pano haana kunaka. Amai vechidiki ava vari kurwara uye vanoda kubatsirwa. Baba vavo havashande uye sevashandi vemumapurazi, havawani mari yakawanda. Ngatibatanei tibatsire mhuri iyi,” vanodaro.

VaDaniel Mavhumba Moyo vekuTAZI vanoti sangano ravo riri kushanda nanachiremba vanosunungutsa madzimai kuitira kuderedza matambudziko anosanganikwa nawo pakuzvara vana mapatya kana manyatatu aderere.

Vanotenda Sister Maruma nemwoyo wavo wakanaka.

VaKelvin Muremba

Munyori mukuru weCAYE, VaKelvin Muremba, vanoti nhumbu dzevechidiki dziri kuwanda kuMvurwi nekuda kwenharaunda yacho inoitwa mabasa ekurima mumapurazi uye zvicherwa.

“Vamwe vana vemukomboni havasi kuenda kuchikoro nekuda kwekushaya zvekushandisa. Pakadaro, mumwe mwana musikana anobva asarudza kuroorwa,” vanodaro.

“Tiri kuyedza kusimudzira vechidiki uye kutsvagawo mari yezvinhu zvakaita semidziyo inoshandiswa nevanasikana panguva yekutevera.”

Anna, achinetseka kutaura, anotenda vose vakamubatsira.

“Iye zvino ndava kurwara mushure mekusununguka mapatya. Pandinofamba ndinotadza kufema zvakanaka, vanachiremba vanoti mwoyo wangu uri kupombera mvura mudumbu.

“Handikwanisi kuyamwisa vana vangu uye vanopona nemukaka weNUN nekuda kwehurwere hwandinaho. Handaifunga kuti mungauye kuzondibatsira,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey