Mwana musikana (10) ava svikiro . . . anoputa mbanje nekunwa doro remasese

29 Aug, 2024 - 16:08 0 Views
Mwana musikana (10) ava svikiro    . . . anoputa mbanje nekunwa doro remasese

Kingstone Mapupu

MWANASIKANA ane makore gumi ekuberekwa wekuSt Mary’s, kuChitungwiza, anonzi ari kusvikirwa nemudzimu “mukuru” uye pari zvino ari kugara musango rinonzi rinoera kuMusengezi, kwaMambo Matsiwo kuMbire.

Anonzi anoputa mbanje nekunwa doro zvisinei nezera rake.

Mwana uyu, uyo watisingagone kudura zita nekuda kwezera rake, anonziwo aimboita masaramusi ekurutsa zvinhu zvinosanganisira, reza, ndiro dzakatsemuka nemabhodhoro.

Ari kugara musango rinozivikanwa nekunzi Tsokoto riri kwaSabhuku Mazhero, VaEverson Mazhero, aina amai vake pamwe nevamwe vakuru vemunzvimbo iyi.

Ruzhinji

Sabhuku Mazhero vanonzi ndivo vakasvikogashidzwa mwanasikana uyu nedzimwe mhondoro aina amai vake.

Pakashanyira Kwayedza kusango reTsokoto kumuganhu wenyika ino neMozambique svondo rakapera, pamusososo uri kugara mwana uyu pakawanikwa paine vakuru venzvimbo iyi.

Vanhu ava vanosanganisira Sabhuku Mazhero, Sabhuku Matanhura VaChrispen Matanhura (37), dunzvi renzvimbo iyi VaFanuel Mwanza (85), dunzvi zvakare VaOnisimo Gomo Marungisa (32), mukuru wevechidiki kuMusengezi, VaTichaona Marapuka (39), sahwira Zondani Kanyongo (45) naSadunhu Mazhambe, VaLuckmore Mazhambe.

Amai vamwanasikana uyu, Mai Chioniso Mhande (36), vari kugarawo musango umu vachimirira kuvakwa kwemba yemudzimu kana kuti banya.

Fannuel Mwanza pangoma-kurudyi

Sabhuku Mazhero vanoti vakatambira mwana uyu achibva nekumhondoro inonzi Sekuru Chivhere, VaShamiso Jambo (38), vapihwa basa iri naMambo Matsiwo.

“Musikana uyu kunyange akasvitswa kuno nemhondoro yedu inonzi Chivhere zvabva nekuna mambo, ari kuita zvishamiso. Takamboita vakawanda vaiti vanosvikirwa nemudzimu uyu pasina zvavaitaridza. Mwana uyu ari kutungamirira vanhu vakuru kumasango aigara mhondoro yemuno iyo iri kusvika paari. Akatitaridza mapako nemadziva nematongo aigara imwe yehomwe yemudzimu unosvika paari,” vanodaro Sabhuku Mazhero.

Sadunhu Mazhambe vanotsinhira vachiti vakamirira kuitwa kwebira guru panzvimbo iyi apo pachauya mhondoro dzakasiyana kuti kuonekwe mafambiro emudzimu uyu uchirova masuwo.

“Ini ndakaona ndava kushevedzwa natateguru Chivhere vakandiridzira nhare vachiti vaiuya nemhondoro iri kusvika pamusikana wemakore gumi apo ndakaridzirawo Mambo Matsiwo nhare vakatsinhira nyaya iyi. Vaenzi ava vakabva vauya nemusi wa22 Chikunguru vachitungamirirwa namambo wedu nemamwe masvikiro emuno,” vanodaro Sadunhu Mazhambe.

“Pakauya svikiro iri kuno kuTsokoto, pakarara pachiitwa bira mbira nengoma zvichirira midzimu ikasvika ikatambira mhondoro itsva iyi inosvika pamwana uyu. Mhondoro iyi yakatungamirira vanhu vakuru, harahwa nechembere, kuenda kumakomo nekumapako nekumadziva anoyera murwizi Musengezi nekukwira pamusoro pegomo rinoyera apo vanhu vakuru vaitadza kusvika. Zvakataurwa nemudzimu uri kusvika pamwana uyu zvose vanhu vakuru vakagutsikana nazvo, zvinosanganisira kunongedzwa kwemuti weMururu paizororera munhu ane mhepo iri kusvika pamwana uyu,” vanodaro Sadunhu Mazhambe.

Mambo Matsiwo, VaChinheza Chigwajara, vakataurwa navo panhare vakatsinhira nyaya iyi.

“Mudzimu wemunhu mukuru wakauya mudunhu medu mushure mekunge amai vemwana uyu vakatenderera nehurwere hwemusikana uyu kunosvika kuHurungwe, Chiweshe, kuHangwa kwaMambo Chisunga nekumwe kusvikira vakazotaurirwa nemasvikiro kuti mwana uyu isvikiro guru.

“Zvakadai, tiri kuronga kuita bira guru panouya masvikiro kusango reTsokoto. Musi watatambira svikiro iri, midzimu yemuno yakawirirana kuti mhepo iyi yaiva yechokwadi,” vanodaro Mambo Matsiwo.

Mai Mhande vanoti vakatambudzwa nehurwere hwemwana wavo kwemakore mashanu achiita masaramusi kusvikira vakazotaurirwa kuti isvikiro guru.

“Mwana uyu akarwara makore mashanu achirutsa zvinhu zvinosanganisira marata, mabhodhoro, ndiro dzakatsemuka, dhiziri, parafini, shuga, masamba, nemafuta chaiwo ekubikisa,” vanodaro Mai Mhande.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nekurwara kwemwana uyu, ndakafamba kumaporofita nekumasvikiro uko ndakataurirwa kuti mudzimu waiva pamwana uyu. Ndakazotungamirirwa kuuya kuno kuMusengezi kusango reTsokoto. Zviri kurongwa handizvizive, asi mwana ane dambudziko rekuti haadye zvinhu zvose kunze kwekunwa doro remasese, nekuputa mbanje. Anodya sadza rezviyo chete, nyama anonyanya kuda yemhuka dzemusango neimwewo zvayo yakadai seyemombe, mbudzi kana yehuku.”

Vanoti dambudziko ravo nderekuti havana pekugara sezvo vachirara panze mwana uyu achirara mumusososo.

“Handina kwandinoenda mwana wangu akadai, mudiki hazvina mhosva mhepo yakamubata. Akagumira Grade 1 chaiyo nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Mai Mhande.

Kwayedza payakasvika panzvimbo iyi, yakawana musikana uyu agere muberevere metsaka nemadzimai anomuchengeta.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey