Mwana ochinja kuita zinyoka

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Mwana ochinja  kuita zinyoka

Kwayedza

. . . ogwesha nedumbu
. . . achishita semhungu

Kingstone Mapupu —
ZVIRI kuitika kukamwe kamwana kekuEpworth, muHarare, zvatenderedza vabereki vako misoro —kanonzi kanosanduka kachiita zinyoka rinozvongonyoka kana kuti kugwesha nekushita sezvinoita mhungu inenge yagumburiswa.

Pamusoro pezvo, mwana ane makore 13 okuberekwa wekuOverspill uyu anombotaura nezwi rinenge rekachembere.

Sezvinonzi izvi zvishoma, mwana uyu anonzi zvakare anogona kungonyangarika paanenge ari mumba, ozongoonekwa ave panze zvisinei kuti magonhi nemahwindo zvinenge zvakavharwa.

Amai vemwana ari Grade 6 uyu, Mai Nonsikelele Sibanda (31), vanoti vapererwa nezviri kuitika kumwanakomana wavo uye vave kutsvaga rubatsiro kune vangakwanisa kupedza dambudziko iri.

Mwana uyu, uyo watichangodoma saTawanda nekuda kwekuti achiri pwere, anonzi anotanga nekushita senyoka apo anenge akarara, obva azosanduka kuita zinyoka dema-dema.

“Mwana wangu anosanduka musoro nemuromo kuita zinyoka hombe, dziya dzakaita seshato zvekuti musoro wemunhu hauzouona apo mawoko ake anochinja kuita semhuka. Ndinonzwa kana akakotsira akatanga kufema achiita seadzipwa kana kuti seanoridza muridzo kana kushinyira senyoka, ndobva ndaziva kuti ava kuchinja.

“Izvi zvikangotanga, ndinobva ndamuka ndomira kure nekutya. Maziso nemusoro zvose zvinoita zvenyoka, otoburuka pamubhedha achizvongonyoka senyoka apo anotenderera imba yose achigwesha nedumbu akaisa mawoko kumusana. Ipapo anenge achipfira-pfira nekuburitsa rurimi,” vanodaro amai vaTawanda.

Mai Sibanda – avo vane vana vaviri – vanoti dambudziko iri rakatanga apo murume wavo, Patrick Keswa, avakatiza ndokunochonera kuSouth Africa.

“Zvikapera izvozvo, mwana anotanga kutaura sekachembere achiti, ‘Ndinoda kupedzerana nemi, munotamba neni. Muchandiona, muchandiziva mukatamba neni’,” vanodaro.

Amai ava vanoti vafamba kwakasiyana nemwana wavo vachitsvaga kubatsirwa – zvose kun’anga nekumaporofita asi pasina chimuko.

“Dambudziko iri rakatanga makore mana adarika apo baba vevana vakangotisiya pamba vachiti vaipinda muguta reHarare. Vakatisiya tisina kana chekubata.

“Mushure memwedzi miviri tichivatsvaga, ndipo pakazotanga mwana kusanduka achiita zinyoka.”

Mai Sibanda vanoti kumachechi kwavanomboenda vachitsvaga rubatsiro, Tawanda akanamatirwa anobatwa nemweya wenyoka uyu otanga kupfira-pfira, achitaura zvisinganzwisisike nekugwesha nedumbu akasimudza musoro senyoka.

“Maporofita nekun’anga kwandinoenda vatadza kuzvipedza, vanoti mwana uyu akaturikwa shavi rinomuita kuti asanduke kuita nyoka. Uyewo mari inodiwa nevanobatsira ava handina, saka ndiri kutokumbirawo rubatsiro,” vanodaro.

Pakusanduka kunoita mwana uyu achiita senyoka, anonzi makumbo ake anobatana sekunge muswe uye ganda rake rosviba zvakanyanya.

“Handichagona kusiya mwana uyu oga sezvo achingonyangarika mumba sezvinoita nyoka zviya. Ndinozongomuona ava panze ndomudzosa mumba. Izvozvi ndava padambudziko nevaridzi vepamba pandinogara sezvo vave kuda kutidzinga vachiti havangagare nenyoka.

“Murume wangu haabatike kwaari ikoko, ndinonzwa kuti ari kuSA. Kana kutumira chikafu chemhuri yake haaiite.”

Mai Sibanda vanoti vana vavo vose vakatosiira chikoro panzira nekuda kwekushaya mari.

Kwayedza yakaita hurukuro nemwana uyu uye anoti kumeso kwake anoona nyoka dzakawanda dzichiuya kwaari akasvinura, dzimwe nguva achiita zvekurota.

“Ndinoona ndichinanzwa nenyoka ndakasvinura asi pamwe pacho ndinoita zvekurota,” anodaro Tawanda.

Zvakadai, mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita – reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu – vanoti mwana uyu akaturikwa shavi renyoka nevaroyi.

“Mwana uyu vanogona kumushaya zvachose vakamuregerera, anoda kukurumidza kubatsirwa shavi iri ribviswe,” vanodaro.

Pari zvino mwana uyu ari kushandirwa kuchechi yeHouse of Grace International iyo inotungamirirwa naProphet Sham Hungwe.

Kune vanoda kubatsira Tawanda vanoridza nhare panhamba dzinoti 0775 450 154.

Share This:

Sponsored Links